Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vanoramba Kutambira Mari Dzavavimbiswa neHurumende


Apex Council Inoti Kwete kuMari Yanga Yavimbiswa neHurumende Ichiti Ishoma Zvikuru
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:20 0:00

Apex Council Inoti Kwete kuMari Yanga Yavimbiswa neHurumende Ichiti Ishoma Zvikuru

Sangano rinomirira vashandi vehurumende, reApex Council, raramba kutambira mari yaravimbiswa nehurumende apo raita musangano nhasi wezvemari dzemihoro pasi peNational Joint Negotiating Council.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wanhasi, sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander, vati hurumende yanga yawedzera mari yainoda kuvapa kuti vabatsirikane pakurarama kubva pazana nemakumi matanhatu emamiriyoni emadhora yayakavapa svondo rapfuura kusvika pamazana matatu emamiriyoni emadhora, asi varamba mari iyi vachiti ishoma zvikuru pane yavari kuda.

Mutevedzeri wasachigaro weApex Council, VaThomas Muzondo, vaudza Studio7 kuti hurukuro dzavo panyaya yeCost of Living hadzina zvadzaburitsa.

Vati mari iyi ishoma zvakanyaya kana vakatarisa kuti mari iyi inofanira kugoviwa pakati pevashandi vese vehurumende vanodarika zviuru mazana matatu.

Asi VaMuzondo vati vatambira mamiriyoni makumi matanhatu nesere emadhora avakapihwa nemutungamiri wenyika kuti vabatsirikane kubva muna Ndira kusvika muna Kurume.

Vati mutungamiriri wenyika akaita zvakanaka chose kunyange hazvo mari yacho iri shoma.

VaMuzondo vazivisawo kuti chiziviso chavo chekuti vacharamwa mabasa svondo rinouya kana zvavanoda zvisati zvaitwa, chinoramba chiripo.

Asi vange vachitungamiririra musangano wanhasi zvakare vakamirira chikwata chehurumende, VaBritto Chimbunde, varamba kutaura nevatori venhau.

Vashandi vehurumende vanoda kuti mushandi wepasi pasi muhurumende atambiriswe mari inosvika chiuru nemazana manonwe chemadhora kubva pamari inodarika mazana mana yemadhora yaari kutambira pari zvino.

Chiziviso chevashandi vehurumende chekuramwa mabasa chinopera musi was 25 mwedzi uno. Chiziviso ichi chakaitwa Zimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, isati yaronga kuramwa mabasa uko kunonzi nevakawanda kwakabudirira zvakanyanya svondo rino.

Sangano reConfederation of Zimbabwe Industries rinoti nyika yakarasikirwa nemari inodarika mazana matatu emamiriyoni emadhora pamazuva matatu ekuratidzira kwakadaidzirwa neZCTU.

Zvichakadai, sangano remubatanidzwa wenyika dzemuEuropena Union, EU rashora kushandiswa kwechisimba chakanyanya nemauto nemapurisa emuZimbabwe pakuratidzira kwainge kwakarongwa neZCTU.

EU inoti hurumende yeZimbabwe inofanira kuongorora kuurayiwa nekurohwa kwevanhu pakuratidzira uku pamwe nekuvhura masaisai eindaneti ayo ange avharwa nehurumende.

EU inoti panofanira kuve nekutaurirrana pakati pevanhu vemuZimbabwe pamwe nekushandura mitemo inombunyikidza vanhu ichiti nyaya yeZimbabwe yekukwezva mabhizimisi ekunze nekudyidzana nedzimwe nyika inobudirira chete kana izvi zvichenge zvaitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG