Accessibility links

Breaking News

Chipatara cheParirenyatwa Chinoti Chiri Kukundikana Kubatsira Varwere veCovid-19 Sezvo Zvikwanisiro Zvisipo


Parirenyatwa Hospital Ventilators1

Kushomeka kwevashandi vezvehutano muzvipatara zvehurumende kunonzi kuri kukanganisa kurwiswa kwedenda reCOVID-19 ratekeshera munyika.

Izvi zviri mugwaro raburitswa nechipatara chehurumende cheParirenyatwa zvichitevera ongororo yakaitwa nechipatara ichi.

Gwaro iri rinoti kunyange hazvo chipatara ichi chakavandudza nzvimbo yekurapira varwere vanobatwa neCoronavirus, chipatara ichi chiri kukundikana kubatsira varwere vakawanda nekuda kwekushomeka kwevashandi vezvehutano.

Mushure mekubudisa gwaro rinobata mafambiro ehurongwa hwekurapa chirwere ichi nematambudziko avakasangana nawo kubva musi wa1 kusvika 24 Chikunguru, mutauriri wechipatara ichi, VaLinos Dhire, vati dambudziko guru kushaikwa kwevashandi vezvehutano.

VaDhire vati nekuda kwedambudziko iri, Parirenyatwa haisi kukwanisa kutora varwere mazana mana ane makumi maviri nevashanu panguva imwe chete kana vashandi vezvehutano vakakwana.

VaDhire vati chipatara ichi chinoti pari zvino chiri kutora varwere makumi matatu panguva imwe chete.

VaDhire vatiwo ongororo yakaitwa nechipatara ichi inoratidza kuti vanhu vazhinji vanozouya kuchipatara chirwere cheCovid-19 chadzika midzi izvo zvinokanganisa itsvo pamwe nekukwidza chirwere cheshuga.

Chipatara ichi chiri kuchema-chemawo nekushomeka kwemishonga yekubatsira varwere pamwe nekushaikwa kwezvekushandisa mukudzivirira kutapurirwa kwechirwere kuvashandi vezvehutano.

Sangano rinomirira vanachiremba vose munyika, reZimbabwe Medical Association (Zima), rinoti kuva nevashandi vakakwana muzvipatara zvehurumende kunobatsira kuti nyika ikunde kurwisa chirwere cheCOVID-19 ichi.

Mutevedzeri wemutungamiriri weZima, Doctor Kudzai Masinire, vakurudzira bazi rezvehutano kuti rikurumidze kugadzirisa matambudziko evashandi vezvehutano vachiti izvi ndozvingasimbisa kurwisa chirwere ichi.

Vaimbova gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanotiwo kunonoka kuenda kuzvipatara kwevarwere kunogona kuri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehutano vachiti zvipatara zvizhinji zvehurumende hazvina vashandi, sezvo vari kuramwa mabasa.

VaMadzorera vatiwo avo vanofanirwa kuzoongorora vanofungidzirwa kuti vane hutachiona hweCoronavirus vari kutora mazuva akawanda vasati vaenda kwavanenge vadeedzwa, vakati izvi zvinoita kuti chirwere chikombe.

Hurumende inotiwo zvekushandisa pakuongorora kuti munhu ane hutachiona hwecoronavirus kana kwete zvishoma munyika.

Vashandi vezvehutano vari kuramwa mabasa vachinyunyuta nenyaya dzemihoro isingakwani pamwe nekushaya zvekushandisa zvakakwana.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kudivi rehurumende kuti pane zviri kuitwa here kugadzirisa matambudziko evashandi vezvehutano.

Patafonera munyori mubazi rezvehutano, Dr Jasper Chimedza, vati tinyore mibvunzo yedu asi yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo.

Asi masangano eSenior Hospital Doctors Association neZimbabwe Nurses Association audza Studio7 kuti kubva pakagadzwa mutecedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, segurukota rezvehutano, hapana musangano wati waitwa nemasangano anomirira vashandi vezvehutano senzira yekuratidza kuti hurumende ine chido chekugadzirisa zviri kunetsa bazi iri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaChiwenga sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Mune imwewo nyaya, zvinhu zviri kuwedzera kuipa munyaya dzezvehutano munyika sezvo kanzuru yeHarare yavhara mamwe makirinika ayo nekuda kwekushaikwa kwevashandi.

Makirinika ekanzuru ndiwo anonyanyoshandiswa nevagari kunyanya mumisha inogara vazhinji.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vati kuramwa mabasa kwevashandi pamwe nekubatwa kwevamwe vashandi vavo nedenda reCOVID-19 kwasiya makirinika asina vashandi vakakwana izvo zvakaita kuti vavhare mamwe makirinika aya vachisiya kirinika imwe chete mudunhu rega-rega

Vanhu vakawanda vaziva nezvekuvharwa kwemakiriniki aya pavanga vaenda kumakiriniki ekanzuru vachida kurapwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG