Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeKufambiswa kweMashoko Vofara neKupiwa kweMarezinesi kuNhepfenyuro dzeNharaunda


Hurumende yakapa mamwe marezinesi kunhepfenyuro dzenharaunda

Vanorwira kodzero dzekufambiswa kwemashoko zvakasununguka vnoti vari kufara zvikuru nekupihwa kwemarezinesi masere kwenhepfenyuro dzemunharaunda.

Sachigaro weMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe (Misa Zimbabwe) VaGolden Maunganidze, vanoti vakatambira nemufaro kupihwa marezinhesi kwenhepfenyuro dzemunharaunda kwakaitwa neBroadcasting Authority of Zimbabwe nemusi weChitatu.

Asi VaMaunganidze vanotiwo tarisiro yavo ndeyekuti nhepfenyuro idzi dzizozadzikisa zvinotarisirwa nenharaunda zvekubudisa mashoko echokwadi.

Sachigaro we Zimbabwe Association of Community Radio Stations Amai Pearlgia Kapuya, vanoti vafadzwa zvikuru sezvo nhengo dzavo shanu dzapihwawo marezinesi aya.

Amai Kapuya vanotiwo itarisiro yavo yekuti nhepfenyuro dzemunharaunda dzirambe dzichiwaniswa marezinesi.

Murwiri wekodzero yekusunungurwa kwemasaisai, VaKudzai Kwangwari, vanotiwo kunyange hazvo vanga varwira kodzero iyi kwemakore akawanda, vanofadzwa kuti Zimbabwe yatora danho rekusunungura masaisai. VaKwangwatri vanoti chasara kuona kuti hurumende inosiya nhepfenyuro idzi dzichitepfenyura zvakasununguka here kana kuti kwete.

Broadcasting Authority of Zimbabwe yakapa marezinesi masere kunhepfenyuro dzemunharaunda zvasiya kwave nebhepfenyuro idzi gumi neina.

Dzimwe dzenhepfenyuro dzakapiwa marezinesi dzinosanganisira Matobo Community Radio Trust, Chimanimani Community Radio Trust, Vemuganga Community Radio Trust, Ndau Community Radio Trust, Twasumbuka Community Radio Trust, Madziwa Community Radio Trust, Patsaka Nyaminyami Trust ne Radio Bukalanga.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG