Accessibility links

Breaking News

Kudzikwa kweChiumbwa cheSvikiro raNehanda muHarare Kwoshoropodzwa neVamwe


Hurumende iri kushoropodzwa nevamwe kuti iri kutungamidza mberi chiumbwa chaNehanda ivo vanhu vachinetseka neCovid-19 munyika.
Hurumende iri kushoropodzwa nevamwe kuti iri kutungamidza mberi chiumbwa chaNehanda ivo vanhu vachinetseka neCovid-19 munyika.

Pave nemaonero akasiyana pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekuvaka chiumbwa chesvikiro raMbuya Nehanda, Charwe, hurumende ichiti iri kuzadzisa ruremekedzo rwayo kumabasa akaitwa naMbuya Nehanda ekutungaira Chimurenga chekutanga chekurwisa vachena muhondo ya1896.

Asi vamwe, zvikuru vanopikisa hurumende, vari kuti hurumende iri kutambisa mari, zvikuru munguva ino yekuti nyika iri kutatarika, zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara, umo musina mishonga, vanamukoti navanachiremba vari kuramwa mabasa uye nyika iri kutatarika munyaya dzehupfumi.

Hurumende yakazivisa kuti chiumbwa ichi chichadzikwa panosangana migwagwa inoti Samora Machel Avenue naJulius Nyere Way muHarare, uye dare remakurukota rinonzi rakatopasisa kare hurongwa uhwu, uye basa rinonzi rakatotanga mwedzi wapera richitarisirwa kupera mukupera kwaNyamavhuvhu.

Svikiro raMbuya nehanda iri rinonzi rakazosungwa muna 1897 rakazourayiwa richiita zvekusungirirwa muna 1902.

Sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Vhusango Charumbira, vanoti hurumende yakaona zvakakosha kuti iremekedze gamba reChimurenga chekutanga iri kuburikidza nekuvaka chiumbwa ichi sezvo mutumbi waCharwe ichinzi wakatakurwa nevachena kuenda nawo Britain usina kuradzikwa zvine chiremera.

VaCharumbira vanoti hapana chakaipa pahurongwa uhwu sezvo iri tsika yechivanhu yekuremekedza vechikuru vanenge vafa kuburikida nekuvaradzikwa zvine rukudzo, uye kana munhu akafa akasavigwa zvakanaka anofanirwa kuradzikwa patsva sezviri kuitwa mamwemagamba ehondo yeChimurenga munyika.

Asi mutevedzeri wasachgaro weMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti hurumende iri kukoshesa chiumbwa ichi pamberi pemamwe matambudziko ose ari munyika anosanganisira kushaikwa kwemishonga muzvipatara, kuramwa mabasa kwavanachiremba uye kushaikwa kwemafuta edzimotokari.

VaRuzvidzo vanoti havapokane nehurongwa uhwu, asi kuti vanopokana nenguva yahwada kuitwa, apo nyika yakanyura mumadhaka. Vanotiwo zvekuremekedza mufi nechiumbwa izvi haisi tsika yechivanhu, asi kuti itsika yakatouya nevachena.

Hurukuro naVaregis Charumbira pamwe naVaZvidzai Ruzvidzo
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG