Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshushikana neMabhawa Ari Kuvhurwa Husiku kuMash West


Zimbabwe Tumbling Economy

Vamwe vagari vekumaruwa mudunhu reMashonaland West vanoti havasi kuwana dzidziso yakakwana yechirwere cheCoronavirus izvo zvichavasiya vari panjodzi.

Mumwe mugari wekuMakonde, Amai Emilia Nyikadzino, vanoti havasi kuwana dzidziso yakakwana pamusoro peCoronavirus vachiti havana redhiyo zvekuti vanongonzwawo vanhu vachitaura.

Amai Nyikadzino vanoti hurumende inofanirwa kufambisa mashoko eCoronavirus kuburikidza nemasabhuku ayo anowanzofambisa mashoko sezvo vachiteererwa.

Vamwe vakanzwa nezvechirwere cheCoronavirus vakapihwa dzidziso isiri iyo.

Amai Roseline Shumba vanoti vakanzwa nevamwe kuti vanofanirwa kugeza maoko, muromo nemaziso.

Mumwe wechidiki, VaArnold Zirema, vekuMhangura vanoti hurumende inofanirwa kutuma vezvehutano kuti vafambe vachidzidzisa vanhu nezvechirwere cheCoronavirus.

Sachigaro weHurungwe Community Radio, iyo isati yave kubvumirwa kutepfenyura, VaJoel Zilala, vanoti hurumende inofanirwa kupa marezinesi kumaredhiyo ematunhu uye kuti nhengo dzeparamende dzitaurire vanhu mumatunhu adzo nezvechirwere cheCoronavirus sezvo vachiteererwa.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru weredhiyo yakazvimirira yedunhu reKariba yePatsaka, VaAnwell Bepe, vanoti hurumende inofanirwa kudzidza chidzidzo chekuti panofanirwa kuve nemaredhiyo ematunhu akawanda ayo anogona kubatsira kushambadza mashoko akakosha kuvagari.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNicky Mangwana, vanoti hurumende yakapa mukana kuti vanoda kutepfenyura kumatunhu gumi akaziviswa munyika vanyorere kupihwa bvumo asi vanoti kusvika pari zvimo hapana ati anyorera zvekuti boka reBroadcasting Authority of Zimbabwe rakatowedzera nguva yekugamuchira magwaro ekupihwa marezinesi.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapiriranwa mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West, Dr Gift Masoja, vanoti vari kudzidzisa vashandi mubazi ravo avo vanozonodzidzisa masabhuku nemasadunhu vanozotaurira vanhu vavo.

VaMasoja vanoti vari kushushikana zvikuru nevemabhawa vachiri kuvhura nguva dzemanheru uye vane hurongwa hwekubvisa vanotengesa mumigwagwa.

Kusvika pari zvino vanhu vanodarika zviuru mazana mana vakabatwa nechirwere cheCoronavirus vamwe vanodarika zviuru gumi nezvipfumbamwe vafa pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG