Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoramba Mashoko Anoti Pane Vanhu Vanodarika Zana Vane Coronavirus


Zimbabwe's health minister, Obadiah Moyo.

Hurumende inoti hachisi chokwadi kuti pane vanhu zana negumi nevasere vekuChina vari muZimbabwe vakabatwa nechirwere che Coronavirus sezviri kutaurwa mumadandemutande.

Izvi zvarambwa negurukota rezvehutano, Dr. Obadiah Moyo, muhurukuro yavaita neStudio7.

VaMoyo vati mashoko aya ndeemanyepo sezvo muZimbabwe musati mave nemunhu abatwa nechirwere chanetsa pasi rose ichi.

VaMoyo vati Zimbabwe ine zvose zvinodiwa mukuvheneka Coronavirus, uye iri kushanda nemapazi eUnited Nations pamwe nemakambani nemasangano emuZimbabwe mukudzivirira kupinda kwechirwere ichi muZimbabwe.

VaMoyo vatiwo hachisi chokwadi kuti Zimbabwe haina mishina inovheneka chirwere ichi, vakati aya manyepo sezvo Zimbabwe iine mishina iyi panzvimbo dzose dzinopinda nevanhu munyika.

Chirwere cheCoronavirus chiri kuvhiringa pasi rose panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe munyaya dzehupfumi.

Asi VaMoyo vati hurumende iri kufara zvikuru kuti pane masangano emunyika akaita seHigher Life Foundation, iyo yakaumbwa nekambani yeEconet, ari kubatsira Zimbabwe mukuona kuti Zimbabwe haibatwe nechirwere cheCoronavirus.

MuAfrica yose, Egypt chete ndiyo nyika ine munhu akabatwa aine Coronavirus.

Kunze kweChina, pane nyika dzinodarika makumi maviri nenomwe dzine vanhu vane chirwere ichi dzinoti Japan, France, America nedzimwe.

Chirwere ichi chakatanga gore rapera muguta reWuhan mudunhu reHubei kuChina.

Kusvika pari zvino vanhu vanodarika chiuru nemazana mashanu nemakumi maviri vafa nechirwere ichi, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino vava kusvika pazviuru makumi matanhatu nezvitanhatu nemazana mashanu pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG