Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotara Coronavirus seDambudziko Guru Rakatarisana neNyika


Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa Declares Coronavirus National Disaster
Zimbabwe President Emmerson Mnangagwa Declares Coronavirus National Disaster

Hurumende yatara chirwere cheCoronavirus sedambudziko guru rabata nyika yose, kana kuti National Disaster, uye ndokukanzura zvirongwa zvakawanda zvinosangana vanhu vakawanda senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Vachitaura nevatori venhau kuState House, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati vaona zvakakodzera kutora matanho aya nekuti nyika inogona kuwirwa nedambudziko reCoronavirus sezvo ratove munyika dzakavakidzana nayo dzakaita seSouth Africa.

Vati kutara Coronavirus sedambudziko renyika yese kunoita kuti nyika ikwanise kuunganidza mari, nezvimwe zvinodiwa kurwisana nechirwere ichi.

Vati hurongwa uhwu huchange huchitungamirrwa nebazi rezvehutano.

VaMnangagwa vati zvipatara zvese munyika zvave kutarisirwa kugara zvakagadzirira kuongorora pamwe nekurapa chirwere ichi.

Vatiwo hurumende iri kugadzira nzvimbo dzakawanda dzekuchengetera vanhu vanofungidzirwa kuti vane hutachiwana hweCoronavirus.

VaMnangagwa vati vese vari kuronga kuenda kunyika dzine chirwere ichi vanofanira kumbomira nzendo dzavo kudzamara zvinhu zvadzikama.

Vatiwo hurumende yambomisa zvirongwa zvinounganidza vanhu vakawanda zvakaita seZimbabwe International Trade Fair nemhemberero dzekucherechedza zuva rekuwana kuzvitonga idzo dzange dzichifanirwa kuitwa mwedzi unouya.

Zimbabwe yakanzurawo mitambo pamwe nekukurudzira kusaungana kwevanhu pamichato pamwe nedzisvondo kuitira kuti chirwere ichi chisapararire.

VaMnangagwa vati hurumende ichazoongorora danho iri mukati memazuva makumi matanhatu ari kutevera.

Panyaya yezvikoro, VaMnangagwa vati sezvo pasina kana mumwe chete abatwa nechirwere ichi, zvikoro zvicharamba zvakavhurwa sezvo zvave pedyo nekuvhara asi vakati hurumende ichaongorora danho iri kana pane zvinenge zvaitika.

Vatiwo mahofisi ese ehurumende anofanira kuchitanga kuongorora kuti vanhu vanofungidzirwa kuti vane hutachiwana hweCoronavirus.

Vati kunyange vatora matanho aya nzvimbo dzese dzekupinda nadzo munyika dzicharamba dzakavhurwa asi vakati vachasimbaradza nzira dzekuongorora vanhu vanobva kune dzimwe nyika zvikuru sei kunyika dzine hutachiwana uhwu.

Vati vanhu vanofanira kuchinja maitiro nekuregedza kuita zvimwe zvinhu senzira yekuzvidzivirira kubva kuCoronavirus.

Vatiwo kunyange hazvo pasina ati abatwa nechirwere ichi, chave kutokanganisa nyaya dzehupfumi munyika zvekuti nyika inogona kutadza kubata zviga zvayo zveVision 2030.

Chirwere cheCoronavirus chauraya vanhu vanodarika zviuru zvinomwe nekubata vanodarika zana nemakumi masere ezviuru pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG