Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotora Makiriniki Ose Ari Pasi peMakanzuru Kuti Irwisane neCOVID-19


Hurumende inoti makiriniki emakanzuru aya achashandiswa senzvimbo dzekurwisana nechirwere che COVID-19.
Hurumende inoti makiriniki emakanzuru aya achashandiswa senzvimbo dzekurwisana nechirwere che COVID-19.

Hurumende inonzi yatora makiriniki ose ari pasi pemakanzuru emunyika kuitira kuti ashandiswe nebazi rezvehutano mukurwisana nechirwere che COVID-19 icho chabata vanhu gumi nevatatu pamwe nekuuraya vanhu vatatu munyika.

Bepanhau reHerald rinoti Gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaJuly Moyo, vakanyorera makanzuru ose vachiazivisa kuti vaive vashandisa Chikamu 23 chemutemo we Civil Protection Act Chapter 10:06 wegore ra1989, icho chinovapa masimba ekuti makiriniki ose ave pasi pebazi rezvehutano nekuchengetedzwa zvakanaka kwevana.

Bepanhau iri rinoti mutsamba yavakanyorera mameya ose pamwe nemasachigaro emakanzuru ekumaruwa, VaMoyo vakati vakanga vasvika padanho iri mushure mekuona kukura nekusimba kwedenda re COVID-19.

Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe zvizhinji panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi sachigaro vesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reAssociation of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande vanoti havaoni iri pfungwa yakanaka yekuti hurumende itore makiriniki ari pasi pemakanzuru, iyo yagara iri kutatarika kuchengetedza zvipatara zvayo zvose zviri munyika.

"Saka kana vachinge vazotora makiriniki amakanzuru aya extra budget ichabvepi?"

Doctor Nyamande vanoti chingadai chakaitwa nehurumende kuita mushandirapamwe nemakanzuru mukufambisa mabasa mumakiriniki aya.

Vanotiwo hurumende haina kujekesa kuti zvimwe zvirwere zvagara zvichirapwa mukarinika aya zvichabatwa seyi kana zvichinge zvonyanyotarisa chirwere che Covid-19.

"Kuti tine chirwere cheCOVID-19 hazvireve kuti zvimwe zvirwere zvagara zviripo hazvisisipo. Tine vanhu vagara vanoda kurapwa hypertension, vanhu vagara vanoda kurapwa diabetis, tine vana vagara vanoda kurapwa diarrhoea nezvimwe zvirwere zvakadarodaro. Saka kana zvinhu izvi zvichinge zvatorwa kubva kuma council zvaenda ku central government, hazvizo disrupt here kurapwa kwagara kuri kuitwa zvirwere izvi?"

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG