Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Yakanzura Marezinesi eHeijin eKuchera Matombo kuUzumba


Kambani yekuChina yeHeijin inonzi yakanga yambopiwa marezinesi ekuti ichere matombo kuUzumba, kuMashonaland East.
Kambani yekuChina yeHeijin inonzi yakanga yambopiwa marezinesi ekuti ichere matombo kuUzumba, kuMashonaland East.

Bazi rezvezvicherwa reMines and Mining Development rinonzi rakanzura marezinesi ekuchera matombo muWard 14 kuUzumba mudunhu reMashonaland East ayo akanga apiwa kukambani yekuChina, yeHeijin Mining Company (PVT) LTD.

Izvi zviri mutsamba inonzi yakanyorerwa kambani yeHeijin nebazi iri ichibva kumahofisi aro ari kumaMarondera.

Tsamba iyi inoti hurumende yatora danho iri mushure mekutambira zvinyunyuto kubva kuvagari vekwaKaseke, Ishe Nyajinha vekuUzumba pamwe nakanzura weWard 14 VaFagio Marowa, avo vakanyunyuta zvakasimba vachiramba kuti kambani iyi ichere matombo munzvimbo igere vanhu uye yavari kurima.

Tsamba iyi inoti bazi iri rakazoitawo ongororo yaro rakaona kuti migodhi yematombo miviri yaida kuvhurwa munzvimbo yekwaKaseke nekuChibvi yaipinda mumisha yevanhu pamwe nemuminda yavo pasina kuwirirana nevagari venzvimbo iyi.

Inoti nekuda kweizvi kunyoreswa kwemigodhi miviri iyi uye kupegwa kwenzvimbo idzi kunotyora chikamu 31 (1)g(ii) chemutemo wezvicherwa weMines and Minerals Act [Chapter 21:05].

Tsamba iyi inoti kambani yeHeijin ine nguva kusvika musi wa 06 Zvita kuti ipikise danho iri, asi basa rose ramiswa kubva izvozvi.

Studio 7 haina kukwanisa kubata vebazi rezvezvicherwa kuti tinzwe zvizhinji panyaya iyi.

Hatina kukwanisawo kubata vekambani yeHeijin kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Vamwe vanotevera zvematongerwo enyika vanoti hurumende yamanikidzwa kutora danho iri mushure mekuona kutsamwa kwevagari veUzumba, izvo zvaizogona kuti bato riri kutonga reZanu PF risakirwe nemavhoti arinosimbowana akawanda mudunhu reUzumba.

Mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti idanho rakanaka kuti hurumende yateerera zviri kutaurwa nevanhu vekuUzumba vachirambira nhaka yavo.

VaMaguwu vanoti chiitiko ichi chinoratidza kuti bazi rezvezvicherwa rakarara nezamu mumukanwa nekuti rave kuita sekunge rakatozovhundutswa nekuratidzira kwevagari vachiramba kubviswa mumisha yavo.

Panyaya yekuti hurumende inogona kunge yatora danho iri kuitira kuchengetedza mavhoti eUzumba, VaMaguwu vanoti vanhu havafanirwe kusanganisa zvematongerwo enyika nemutemo webazi rezvezvicherwa vachiti apa pashandiswa mutemo wekuti ani nani zvake achasangana nedambudziko rakadai anogona kuzoshandisawo tsamba inonzi yanyorwa nehurumende iyi kuenda kumatare edzimhosva.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG