Hurumende yakazivisa neChitatu kuti yadzika mutemo unosungira kuti vanhu vanopinda munyika vagariswe kwavo voga kwemazuva gumi vachibhadhara voga mari dzinodiwa zvichitevera kuwanikwa kwehutachiwana hweB.1.617 hwakatanga kuonekwa kuIndia.
Gurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, vakazivisa kuti hutachiwana uhwu hwakawanikwa mune mumwe munhu kuKwekwe, uyo akabva kuIndia musi wa 29 mwedzi wapera.
Mugwaro ravakaburitsa, VaChiwenga vakazivisa kuti zvichitevera kuwanikwa kwehutachiwana hunotyisa uhwu munyika, vanhu vanobva kuIndia kana vanopfuura nemunyika iyi vachamanikidzwa kuiswa kunzvimbo dzinochengeterwa vanopinda munyika kana kuti quarantine, vachizvibhadharira voga.
Vakatiwo vanhu ava vachamanikidzwa kuvhenekwa kana vaine Covid-19 pavanosvika munyika zvisineyi nekuti vane magwaro ekufambisa akadii.
VaChiwenga vakatiwo vanhu vachange vachipinda munyika vachibva kune dzimwe nyika vanosungirwawo kuve nemagwaro anoratidza kuti vakavhenekwa Covid-19 pachishandiswa muchina wePRC pasina kudarika maawa makumi mana nemasere kubva pavanosimuka kubva kunyika kwavari kubva,.
Vanenge vasina kana vanokundikana kuve nemagwaro aya vachamanikidzwa kuvhenekwa pavanosvika munyika vachizvibhadharira voga mari dzinodiwa.
Vafambi ava vachagariswawo kwavo voga kwemazuva gumi kubva pavanopinda munyika.
Vanhu vaviri vekuKwekwe vakadzoka munyika vachibva kuIndia vakawanikwa vaine chirwere cheCovid-19 uye kanzuru yeKwekwe yakatozivisa kuti mumwe wevaviri ava, uyo aive muzvinabhizimusi, akashaya musi wa 12 mwedzi uno.
India iri kutambudzwa neCovid-19 izvo zvasiya vanhu vakawanda munyika iyi vafa uye vamwe vabatwa nechirwere ichi.
Zimbabwe yave imwe yenyika pfumbamwe dzemuAfrica dzave nehutachiwana hwekuIndia uhwu. Dzimwe dzacho dzinosanganisira South Africa, Botswana, Algeria, Nigeria, Uganda, Kenya, neMorocco.
Studio 7 yakundikana kubata VaChiwenga kanawo mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri kuti tinzwe zvizhinji.
Asi VaChiwenga vakatkurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera mitemo yekudzvirira kupararira kweCovid-19 yakaita sekugeza maoko, kusiya mikaha, kusaungana nekuvhjara miromo nemhino.
Vaimbove gurukota rezvehutano vari chiremba muKwekwe, Dr. Henry Madzorera, vanoti zvinongotyisa kuti hutachiwana uhwu hwakasvika muKwekwe, uye kuti pakave nekurasikirwa nehupenyu.
Asi Dr. Madzorera vanoti kupinda kwehutachiwana uhwu munyika zvinoratidzawo kuti senyika panga paita kakuvarairwa panyaya yekudzivirira denda reCovid-19.
Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu gumi nevanomwe vakawanikwa vaine chirwere che covid-19, uyewo hapana munhu akafa nechhirwere ichi.
Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi hwasvika pa zviuru makumi matatu nezvisere zvine mazana matanhatu negumi nevaviri, kana kuti 38 612.
Huwandu hwevanhu vafa hwakaramba huri pa chiuru chimwe nemazana mashanu ane makumi masere nevatatu, 1 583.
Bazi iri rakatiwo kusvika neChitatu, vanhu zviuru mazana matanhatu nezvishanu nemazana mashanu nemakumi mashanu nevatanhatu, kana kuti 605 556 vabayiwa nhomba yekudzivirira COVID-19 munyika yose.
Facebook Forum