Accessibility links

Breaking News

Hurumende neVashandi Vayo Zvopesana paMihoro


New Money Currency 3

Hurumende yazivisa kuti yabvisa zvmhingamupinyi zvange zvichisangana nevashandi vayo pakutambira mari yekubatsirikana uye inoti kutanga mwedzi uno, ichange yave kubatanidza mari iyi neyemihoro dzichitambirwa musi mumwe chete.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, munyori muPublic Service Commission, Ambassador Jonathan Wutawunashe, vati vatora danho iri sezvo vashandi vehurumende vange vachitambura kushandisa mari dzeCovid-19 idzo dzanga dzichiuya musi wakasiyana nemari dzemihoro.

Vati zvavaita izvi zvinoreva kuti vashandi vachange vave kuwana mari yekushandisa yakawanda.

Vati mushandi wehurumende anotambira mari iri pasi pasi anenge ave kuwana zviuru gumi nechimwe nemazana matatu nemakumi mashanu emadhora pamwedzi, kana kuti ZW$11.350.

Mari iyi inoenzana nemadhora ekuAmerica makumi matatu nerimwe pamwedzi takatarisa mutengo wedhora rekuAmerica pachikero chemari yepasi rose, icho changa chiri padhora remunyika riri pamari inoita US$0.00276.

Vati murairidzi ari kupinda basa anenge ave kutambira madhora zviuru gumi nezviviri nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe emadhora, ZW$12.590 pamwedzi.

Mari iyi inoenzana nemadhora makumi matatu nemashanu ekuAmerica pamwedzi pachienzaniswa nechikero chemari dzepasi rose, icho chinopesana zvikuru nemutengo uri kushandiswa muZimbabwe.

Pari zvino murairidzi ari kutanga basa anotambira zviuru zvitanhatu nemazana mana nemakumi mapfumbamwe emadhora pamwedzi uye mari iyi inosanganisira mari yemuhoro, pekugara nekufambiswa nezvimwe.

Ambassador Wutawunashe vati kubhadhara muhoro neCovid 19 Allowance zvichapedza matambudziko ange achisangana nevashandi.

Hurumende yakatanga kupa vashandi vayo Covid 19 Allowance muna Chikunguru uye mari iyi yainzi ichapihwa kwemwedzi mitatu chete.

Asi VaWitaunashe vati hurumende yakaona zvakakodzera kuti vashandi varambe vachitambira mari iyi senzira yekuwedzera mari inotambirwa nevashandi.

Vati vanovimba kuti nhaurirano pakati pehurumende nevashandi panyaya dzemihoro dzichafamba zvakanaka panguva iyo vashandi vanenge vachibatsirikana neCovid-19 Allowance.

Hurumende inoti mari iyi ichabhadharwa kusvika muna Zvita gore rino.

Mutungamiri wesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati hapana chekupemberera sezvo pasina chasanduka pamari dzavo dzemihoro.

Kunyange hazvo VaWutawunshe vachiti danho ravatora richarerutsa hupenyu hwevashandi vehurumende, mihoro yevashandi ava iri pasi pemari inonzi nesangano reConsumer Council of Zimbabwe inodiwa nemhuri kuti irarame pamwedzi mumwe chete.

CCZ inoti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inodarika zviuru makumi maviri nechimwe zvemadhora emunyika kuti ikwanise kurarama zvakanaka.

Varairidzi vanoti vanoda kutambiriswa madhora mazana mashanu nemakumi maviri ekuAmerica pamwedzi kuitira kuti vakwanise kurarama zvakanaka.

Iyi ndiyo mari yavaitambiriswa makore maviri apfuura hurumende isati yachinja mihoro yavo ichiiisa kumabhondi mushure mekunge yati bhondi rimwe chete rainge rakaenzana nedhora rekuAmerica.

Asi pari zvino dhora rekuAmerica riri kutengwa munyika nemari iri pakati pemadhora emuZimbabwe makumi masere nemakumi masere nemadhora mashanu, izvo zvinoreva kuti vanofanirwa kunge vachitambiriswa mari isiri pasi pemakumi mana ezviuru zvemadhora emuZimbabwe.

Asi chikero chemari chemuZimbabwe chiri kupesana zvakanyanya nechikero chemari dzepasi rose.

Pari zvino varairidzi vakawanda havasi kuenda kubasa vachiti havachakwanisi kuenda kubasa sezvo mari yavanotambira isingakwane kuita zvose zvavanoda mukurarama kwavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG