Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kubvumidza Kuitwa kweSaruudzo Munyika


People wait to cast their votes in Mbare township outside Harare July 31, 2013.

Vanhu vakawanda munyika vanoti mutemo wekumisa sarudzo munyika nepamusana pedenda reCovid-19 wava kunetsa kuutambira sezvo dzimwe nyika dzakaita seMalawi, Uganda, South Africa pamwe neZambia dzakaita sarudzo kunyange hazvo chirwere cheCovid-19 chichiriko.

Mumwe mugari wemumusha weRunyararo West muMasvingo, VaFrancis Tangire, vanoti hurumende inofanira kubvisa mutemo wekumisa sarudzo nekuti iri kumbunyikidza kodzero dzevanhu dzekuva nevamiriri ichihwanda
nechigunwe.

Mukuru wezvirongwa muZimbabwe Elections Support Networt, Amai Ellen Kandororo Dingani, vati hurumende inofanira kudzidza kune zviri kuitwa nedzimwe nyika dziri kuita sarudzo kuitira kuti Zimbabwe iitewo sarudzo asi ichitevedzera mitemo yeCovid-19 sezviri kuitwa
nedzimwe nyika.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti hurumende yeZanu PF iri kuhwanda neCovid-19 sezvo iri kutya kukundwa musarudzo dzekutsiva avo vakamiswa pamwe nevakashaya.

Mutauriri weMDC-T , VaWitness Dube, vanoti vanonokerwa nesarudzo
vachiti hurumende inofanira kuti sarudzo idzi diitwe nekuti vakagadzirira kudzosa nhengo dzavo munzvimbo dzine vanhu vakamiswa basa.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura mibvunzo yedu kuti tinzwe divi rebato ravo panyaya iyi.

Asi mumwe wevechidiki muZanu PF muMasvingo, VaCharles
Munganasa, vati bato ravo harityi sarudzo uye rakagadzirira kare asi
hurumende iri kuda kutanga yarwisa denda reCovid-19 pari zvino.

Mutevedzeri wegurukota rezvekubudiswa kwemashoko munyika, VaKindness Paradza, vati havakwanisi kupindura panyaya iyi vachiti inoda
gurukota rezvemutemo, VaZayambi Ziyambi, avo vange vasingabatiki
vachinzi vari mumusangano wemakurukota.

Asi mukuru wemabasa musangano reElection Resource Centre, VaSolomon Bobosibunu, vati nyaya yekuhwanda nedenda reCovid-19 munyika inofanira kupera sevo vatungamiri venyika vari kufarira kuenda kunopemberera vanenge vakunda musarudzo dzenyika dzavo.

Nhengo dzeParamende dzeMDC-A dzinosvika makumi mana nevaviri dzakamiswa basa neMDC-T izvo zvakasiya vagari munzvimbo idzi
vasina vanovamirira muparamende.

Bato reMDCT rakamisazve makanzura eMDC-A akawanda munyika mose
kusanganisira mudhorobha reMasvingo.

Bato reZanu PF rakamisawo dzimwe nhengo dzaro basa kusanganisira
VaKiller Zivhu vaiva nhengo Chivi South.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG