Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yokurudzira Hurumende yaVaMnangagwa Kuti Iremekedze Kodzero


Deprose Muchena, director of Amnesty International's regional office in Johannesburg, South Africa (Sebastian Mhofu/VOA).

Sangano reAmnesty International raparura gwaro rinoburitsa makosheserwo akaitwa kodzero nehurumende dzakasiyana siyana. Sangano iri rinoti riri kutsutsumwa nekusaremekedzwa kwekodzero dzevanhu pasi rose kusanganisira Zimbabwe.

Vachitaura pakaparurwa kwegwaro ravo muHarare, vanoshanda nesangano iri vakamirira kuchamhembe kweAfrica, VaDeprose Muchena, vati hurumende dziri kudzokera kumashure mukuremekedza kodzero dzeveruzhinji.

VaMuchena vati hurumende dziri kushandisa mapurisa kutyisidzira vanhu kuitira kuti veruzhinji vasashoropodze zvakaipa zviri kuitwa nedzihurumende idzi.

VaMuchena vatiwo sezvo kune nyika dziri muAfrica dzine chitsama dzakatarisira kuita sarudzo gore rino, kusanganisira Zimbabwe, sangano ravo riri kukurudzirawo hurumende nevagari kuti nguva yesarudzo haisi nguva yekuurayana asi kuti inguva yekuita sarudzo murunyararo.

Vachitaura nezvekodzero muZimbabwe, mukuru weAmnesty International muZimbabwe, VaCousin Zilala, vati mugore ra2017 kodzero dzakanyanyotyorwa ikodzero dzekuungana kwevanhu, kuratidzira pamwe nekodzero dzekuti vanhu vataure pfungwa dzavo vakasununguka.

Vachitaura nezvenguva yekutorwa kwenyika nemauto, VaZilala vatiwo pane kodzero dzakatyorwa kusanganisira kusawaniswa nekukurumidza magweta ekumirira avo vaisungwa.

VaZilala vatiwo kurudziro yavo kuhurumende iri kutungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa ndeyekuti isarambe ichityora kodzero sezvaiitwa nehurumende yevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Mugwaro iri sangano reAmnesty International rakaongorora nyika zana nemakumi mashanu nepfumbamwe.

Asiwo sangano iri rinoti kunyange hazvo hurumende pasi rose dzisiri kuratidza chido chekuremekedza kodzero dzevanhu, veruzhinji vari kuramba vachirwira kodzero dzavo zvisinei nekumbunyikidzwa kwavanoitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG