Accessibility links

Breaking News

Nherera Dzofadzwa neChikafu cheKisimisi muChinhoyi


Chinhoyi orphans
Chinhoyi orphans

Nherera dzinochengetwa pamusha weGood Shephard muChinhoyi nhasi dzaita zuva rekisimusi rinofadza sezvo dzaswera dzichidya tunonaka nekutamba.

Vana vakawanda vataura neStudio 7 mushure mekupihwa bvumo nemukuru wenzvimbo iyi, Mufundisi Eshwin Makozho, vati nguva yakanaka yavange vainayo nhasi chinogara chiri chiroto kwavari.

Vana ava vati nguva dzakawanda hupenyu hwavo hunotevedzera zvavanosungirwa kuita zvinosanganisira chikafu chavanofanirwa kudya mangwanani, masikati pamwe nemanheru icho chisinga chinje nguva dzakawanda.

Mumwe wevana ava, Andrew Makochekanwa, ati zuva ranhasi rakasiyana nemamwe mazuva sezvo vasingawane zvekudya zvinovakwanira mazuva ose.

Makochekanwa anoti vanodya zvekudya zvakanaka kana paine munhu kana kambani inenge yapa chikafu musha unogara nherera uyu.

Mumwe mwana anogara pamusha wenherera uyu, Lovemore Zuze, ati afarira nyama yaadya sezvo vasingaidye nguva dzakawanda pamusha wenherera uyu.

Lovemore ati vanga vajaira kudya sadza nemakabichi kana mupunga nemachangisi nguva dzakawanda.

Mumwe musikana anogara pamusha uyu, Brenda Mukono, ati anofara sezvo anga agarisa asati adya nyama. Brenda ati vanongodya nyama chete kana pauya vaenzi.

VaMakozho vati mamwe matambudziko avanosangana nawo anosanganisira kushaya mari yechikoro pamwe nekushaya mapepa akakwana kuti vana vapihwe magwaro ekuzvarwa sezvo vakawanda vavo vanenge vakanhongwa.

"Zvose zviri kudyiwa pazororo rekisimusi nevana ava zvakabva kuna Va Collin Harper vari kuBitain. Ndivo zvakare vakavakisa midhuri pamusha uno," vadaro VaMakozho.

Musha weGood Shephard unochengeta vana makumi matatu nevana, makumi maviri nevaviri vari vasikana.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG