Accessibility links

Breaking News

General Electric Yotarisa Nzira dzeKuita Bhizimisi muZimbabwe


Vakuru vakuru vekambani yeku America yeGeneral Electric vanonzi vari kushanya muZimbabwe kuzotsvaga kuita mabhizimisi.

Mumiriri we America muZimbabwe, VaHarry Thomas, vakataurawo mashoko aya padandemutande ravo reTwitter vachiti vainge vaita musangano nevakuru veGE.

Izvi zvinotevera kuridziro yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekuti Zimbabwe yagadzirira kudyidzana nedzimwe nyika.

General Electric ikambani inokosha madhora anopfuura mabhirioni zana nemakumi maviri nemaviri uye inogadzira zvinhu zvakawanda kubva kune zvemagetsi, mainjini emota nendege kusvika kumafiriji nezvimwe zvinoshandiswa mudzimba.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Elliot Masocha, avo vanodzidzisa kuOhio muno mu America, vanoti Zimbabwe yave nemumwe mukana wekugadzirisa nyika munyaya dzezvehupfumi vachiti vanofara nezvinoda kuitwa neGeneral Electric.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG