Accessibility links

Breaking News

Komisheni yeKuenzaniswa kweMikana Yosangana neVemapato eZvematongerwo eNyika


Muzvinafundo Victor Nkiwane

Komisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, yeZimbabwe Gender Commission, iri kutanga misangano yayo Chipiri, ichisangana nevemapato ezvematongerwo enyika.

Misangano iyi inonzi ichange ichipa mukana wekukuridzira kuti madzimai apiwe mikana yakaenzana nevanhurume, zvikuruseyi mune zvematongerwo enyika musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa munyika mwedzi mishoma inotevera.

Imwe nhengo ye komisheni iyi, Muzvinafundo Victor Nkiwane, vanoti vanhukadzi ndivo vakawanda kupfuura vanhurume munyika, asi vanovhotera vanhurume vachisiya madzimai nekuda kwepfungwa yekuti vachine tarisiro yekuti vanochengetwa nevanhurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG