Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisira Kukunda Northern Ireland neSvondo?


Zimbabwe netaball team
Zimbabwe netaball team

Murongi wezvirongwa muchikwata cheZimbabwe Netball, VaFarai Gore, vanoti vari kutarisira kuti chikwata chavo chichakunda neSvondo apo chiri kutamba neNorthen Ireland.

VaGore vanoti kunyange hazvo maGems akarohwa neMugovera neAustralia, Zimbabwe ichabudirira chete kuenda muchikamu chechipiri chemakundano enhabvu yevanhukadzi gore rino.

Zimbabwe yakakundwa neMugovera neAustralia 73-37 mushure mekunge yakunda Sri Lanka 79-49 neChishanu.

“Australia tingati ndiyo Brazil yenhabvu yevanhukadzi. Kunyange hazvo vasikana vedu vakundwa, vatamba zvakanaka chose tichitarisa kuti Australia yatora mikombe yakawanda mumakwikwi aya,” VaGore vaudza Studio7.

Zimbabwe iri kupinda muakwikwi aya kekutanga vatsigiri vechikwata ichi vachitarisira kuti chikwata chavo chichaenderera mberi mumakwikwi aya.

VaGore varamba kuti mukamba yevasikana ava mune kunyunyuta vachiti vatambi ava vari kufara zvikuru nemabatirwo avari kuitwa.

Pane mashoko ari kubva kuLiverpool anoti zvinhu hazvina kunyatsorongeka muchikwata ichi zvikuru panyaya yechikafu nezvipfeko zvekushandisa.

Asi VaGore varamba mashoko aya vachiti izvi zviri kutaurwa nevanhu vasiri kuziva chokwadi chiri kuitika kuLiverpool.

Vatiwo vanotenda zvikuru zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain pamwe nevamwe vakabva kudzimwe nyika vachiuya kuzotsigira chikwata chema Gems.

VaGore vatsigirawo huwandu hwevanhu vasiri muchikwata chema Gems vachiti chikwata chevanhu vakabva kuZimbabwe chine huwandu hwevanhu vanokodzera avo vanosanganisira vatsigiri, vatori venhau, vakuru vakuru musangano reZimbabwe Netball Association, vamiriri vehurumende pamwe nenyanzvi dzinenge dzichbatsira vatambi ava.

Zvichitevera mutauro wakabuda mushure mekunge vanhu vasingatambe vaendeswawo kumakwikwi aya nemari yakabva muhomwe yehurumende, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakati chikwata chevanhu makumi mashanu nevana ndicho chakaenda kuLiverpool kunotsigira maGems.

Pavanhu ava, makumi matatu nevana havasi vatambi vechikwata chema Gems.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG