Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Munyaya dzeHupfumi Dzinoti Vanhu Vanofanirwa Kufarira Mutemo weStatutory Instrument 127


VaJohn Mangudya, gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe

Apo sangano reEmployers Confederation of Zimbabwe riri kuyambira kuti zvinhu zvinogona kutanga kushaikwa muzvitoro nekuda kwemutemo mutsva wechimbi chimbi wehurumende, weStatutory Instrument 127, wakadzikwa svondo rapera, dzimwe nyanzvi munyaya dze zvehupfumi dzinoti mutemo uyu wakanaka zvikuru sezvo wakanangna nekubatsira vanoshaya uye vasingatambiri mari yakawanda.

Mutemo uyu unomanikidza vemabhizimisi kuti vatengese zvinhu nemutengo unoendererana newepamusika wemari, webhanga guru renyika, re Reserve Bank of Zimbabwe Foreign Exchange, kwete wepamusika wemukoto.

Nyanzvi munyaya dze zvehupfumi, vachishanda ne kambani ye Percycon Global Fund Managers, VaPersistence Gwanyanya, vanoti vanhu havafaniri kunetseka nemutemo uyu sezvo zvakaitwa nehurumende izvi zvakanangana nekubatsira vanoshaya munyika, vachiti mutemo uyu wagara uripo uye uchishanda zvakanaka kwemwedzi mizhinji yapfuura.

VaGwanyanya varumbidza danho iri vachiti richaramba richidzisa mitengo yezvinhu sezvange zvichiitika kwemwedzi mizhinji yapfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG