Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vochema Zvikuru neMutengo weMafuta


Fuel prices on July 23, 2019 in Harare, Zimbabwe have increased several times but the liquid remains in short supply just like most essentials like electricity.
Fuel prices on July 23, 2019 in Harare, Zimbabwe have increased several times but the liquid remains in short supply just like most essentials like electricity.

Vatyairi vedzimotokari vanoti havasi kufara nekukwidzwa kwaitwa mitengo yemafuta edzomitokari pamwe nemari dzekupaka motokari dzavo mudhorobha reHarare.

Mashoko aburitswa neZimbabwe Energy Regulatory Authority, kana kuti ZERA, anoti mutengo wepeturu wakwira kubva pamadhora manomwe nemasendi makumi mana nemanomwe kusvika pamadhora manomwe nemasendi makumi mashanu nemashanu parita uye dhiziri rakwirawo kusvika pamadhora manomwe nemasendi makumi maviri nemaviri.

Kukwidzwa kwaita mafuta edzimotokari uku kwashorwa nevatyairi vakaita saVaFabian Zenda avo vanogara mumusha weBelgravia muHarare.

VaClemence Muzoda vatiwo kukwira kuri kuita mafuta hakuenderane nemari dziri kutambirwa neveruzhinji munyika uye vati izvi zviri kuratidza kuti nyika iri kuramba ichienda kumawere.

Vatyairi vazhinji vataura neStudio7 vati kukwira kuri kuramba kuchiita mafuta edzimotokari kuchakonzera kuti zvinhu zvakawanda zvikwire mitengo muzvitoro.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vati vachazotifonera vabuda mumusangano asi hatina kuzokwanisa kuvabata pataenda pamhepo.

Asi VaNcube vakataura masvondo mashoma adarika kuti mafuta edzimotokari anogona kuramba achikwira zvichienderana nehuremu hwema RTGS pamusika wekubhanga we interbank rate.

Zvichakadai, kambani inoona nezvekupakiswa kwemotokari mudhorobha reHarare ye City Parking yaburitsawo mashoko ekuti mutengo wekupakisa motokari wakwira nhasi kubva padhora kuenda pamadhora mashanu paawa imwe chete.

Mumwe mutyairi anoshandira pakati peguta, VaNesbert Nyoni, vati mari iyi yakawandisa kana zvichienzaniswa nemari dziri kutamabiriswa veruzhinji.

VaNyoni vati kupaka motokari kwezuva rese pavanenge vari pabasa vave kutoda mari zhinji yavanoti haiwirirane nemari yavo yemihoro.

Izvi zvatsinhirwa naVaFarai Mukwena avo vanoti mari dziri kubahdhariswa vatyairi hadzienderane nekusagadzirwa kuri kuitwa migwagwa nema robots ari muHarare.

Kanzuru yeHarare, iyo inotungamirwa neMDC, yakabvuma mubhajeti rayo kuti mari dzekupakisa motokari dzikwidzwe ichiti mari yekupakisa motokari ichabtsirawo mukugadzirwa kwezvivakwa zvekanzuru muguta.

Mune imwewo nyaya, dare remakurukota rabvumirana kubvisa chikamu chebhiri reMarriage Amendment Bill change chichipa masimba ekuti mukadzi asina muchato ave nekodzero yekuwana hupfumi mushure mekufa kwemurume.

Chikamu ichi chakaunza mutauro mukuru vanhu vachiti chinokurudzira kugarisana kwevanhu vasina kuroorana, vamwe vachitiwo chaibatsira vana vanenge vaberekwa kunze kwemuchato.

Dare remakurukota razivisawo kuti Zesa ichange yowana mazana manomwe ema megawatts kubva ku South Africa zvichitevera kubhadharwa kwakaitwa kambani yeEskom imwe mari yechikwereti chine Zesa kubva kukambani iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG