Accessibility links

Breaking News

Mutengo weMafuta eDzimotokari Unokwidzwa Zvichienda neMadhorobha neMaguta


Mutengo wemafuta wave kukwidzwa pasvondo roga roga.
Mutengo wemafuta wave kukwidzwa pasvondo roga roga.

Sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari wakwidzwa zvakare kutanga munyika yose.

Boka rinoongorora pamwe nekutara mitengo yemafuta edzimotokari, reZimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, rakazivisa neSvondo usiku kuti mutengo wemafuta uyu unenge uchizosiyana zvichienderana nemadhorobha nemaguta, uchidhurisisa kunzvimbo dziri kure.

Semuenzaniso, peturu muHarare yakwira kubva paRTGS$ 9.12 kuenda paRTGS$10.01 parita, dhiziri richikwirawo kubva paRTGS$9.36 kuenda paRTGS$10.32 parita.

Asi mitengo iyi yakasiyana nemitengo yekuBulawayo sezvo rita repeturu rave kutengeswa nemari inoita $RTGS10.39, kuchitiwo dhiziri richiita $RTGS10.69 parita.

Mitengo yekuVictoria Falls ndiyo inenge iri pamusorosoro munyika yose sezvo rita redhiziri rakwidzwa kuenda paRTGS$10.86 parita, kuchitiwo peturu yave kuita RTGS$10.56 parita.

ZERA yazivisa kuti mitengo iyi yasiyaniswa pachitariswa mutengo wekusvitsa mafuta aya kunzvimbo dzakasiyanasiyana idzi.

Vemichovha inotakura veruzhinji vanoti mitengo iyi ichavaomesera zvikuru sezvo ivo vachamanikidzwa kukwidzawo mari dzinoripirwa nevanhu vanenge vachifamba zvichienderana nekuti vanenge vachienda kunzvimbo dzipi.

Munyori anoona nezvemabasa musangano revemichovha reGreater Harare Association of Commuter Omnibus Operators, VaCaleb Dominic Bepeta, vanoti chiri kunetsa ndechekuti mitengo iri kungokwira asi mihoro yevanhu vavanotakura isina kwairi kuenda.

Hurukuro naVaCaleb Dominic Bepeta
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG