Accessibility links

Breaking News

Mutengo weMafuta eDzimotokarei Unokwira Zvakare keChipiri Mukati meMazuva Manomwe


Varidzi vedzimotokari vakamirira kunwa mafuta pane rimwe garaji muHarare, Zimbabwe, Oct. 8, 2018.
Varidzi vedzimotokari vakamirira kunwa mafuta pane rimwe garaji muHarare, Zimbabwe, Oct. 8, 2018.

Boka re Zimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, razivisa kuti mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari wakwira, peturu ichikwira kuenda pamadhora manomwe nemasendi makumi mana nemapfumbamwe parita rogaroga, kuchitiwo dhiziri richikidzwa kuenda pamadhora manomwe nemasendi gumi nemapfumbamwe parita.

Svondo rapera mafuta aya akakwidzwa zvakare peturu ichenda pamadhora matanhatu nemasendi gumi, ukuwo dhiziri richienda pamadhora mashanu ane masendi makumi masere nemana parita.

Mutauriri wesangano revemabhazi anotakura vanhu, reChitungwiza Commuter Omnibus Operators Association, VaFarai Muza vanoti iri danho raomesera nhengo dzavo zvakanyanya sezvo dzisiri kukwanisa kuwedzera mari dzinobhadharwa nevanhu vanokwira mabhazi avo nekuda kwekuti vanhu vavanotakura havana kuwedzerwawo mihoro yavo.

Hurukuro naVaFarai Muza
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG