Vedzimotokari vamuka nhasi vachishamisika nekuona mutengo wemafuta ekufambisa wakwira zvakare kuenda pamadhora mashanu nemasendi mkumi maviri nematanhatu emaRTGS parita repeturu, kuchitiwo dhiziri richikwira kuenda pamadhora mashanu nemasendi manomwe parita iri mari yemaRTGS.
Kukwira kwemitengo wemafuta uku kuitika masvondo mana abva kukwira zvakare nezvikamu zviri pakati pemakumi mana nezvitanhatu kubva muzana nemakumi mana nezvipfumbamwe kubva muzana.
Vanotengesa mafuta vanonzi vapa zvikonzero zvekuti vakwidza mutengo nekuti mafuta anobva munzimbe kana kuti ethanol, ayo anosanganiswa nepeturu, akwidzwawo mutengo zvakanyanya kubva pamadhora maviri nemasendi makumi mapfumbamwe nemasere kuenda pamadhora mana nemasendi makumi matanhatu emaRTGS parita.
Mutauriri wesangano revemabhazi anotakura vanhu, reChitungwiza Commuter Omnibus Operators Association, VaFarai Muza, vanoti kunyange hazvo mafuta akwira mutengo, havasi kuzokwidzawo mari dzinobhadharwa nevafambi, sezvo vanhu vakaremerwa nekuda kwekusakwidzwa kwemihoro yavo.
Facebook Forum