Accessibility links

Breaking News

MISA-Zimbabwe Inoti Mutemo Mutsva weFreedom of Information Act Wakanaka Asi Wakasara neZvimwe Zvaive muAIPPA


MISA-Zimbabwe inoti mutemo mutsva weFreedom of Information Act wakanaka asi une zvimwe zvakaipa zvaive muAIPPA zvinfanirwa kuzogadziriswa.
MISA-Zimbabwe inoti mutemo mutsva weFreedom of Information Act wakanaka asi une zvimwe zvakaipa zvaive muAIPPA zvinfanirwa kuzogadziriswa.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, neChitatu vakasaina bhiri rekuvandudza kwemabasa ekutapwa kwenhau nekuburitswa kwemashoko, reFreedom of Information Bill kuti uve mutemo.

Mutemo weFreedom of Information Act uyu ndemimwe yemitemo iri kudzikwa nehurumende kushandura mutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act kana kuti AIPPA, uyo unonzi nevamwe vaimbunyikidza maburitsirwo emashoko nenhau, uye mashandiro evatori venhau.

Mumashoko kuvatori venhau, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakati mutemo uyu munongedzo mukuru wekuti nyika yakazvipira kuvandudza mitemo yekutorwa kwenhau munyika. Vakati mutemo weAIPPA wainge waunza kunyunyuta kwakanyanya munyika.

Dzimwe nyanzvi mune zvekufambiswa kwemashoko dzinoti kunyange hazvo mutemo mutsva uyu wakati siyaneyi nemutemo waivepo weAIPPA, une zvakawanda zvinofanirwa kuvandudzwa kuti ufambirane neshanduko iri kutarisirwa mukufambiswa kwemashoko pari zvino.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, kana kuti MISA-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti kunyange hazvo hurumende yaita danho rekutanga rekugadzirisa mafambisirwo emashoko, muteo mutsva uyu waifanirwa kukwenenzverwa kuti ubvise chimiro cheAIPPA zvachose.

Hurukuro naVaTabani Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG