Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kuchengetedza Vanokwikwidza Kuita Mutungamiri weNyika


Vashandi veRed Cross vanotora vakuvara kuendesa kuchipatara mushure mekudhuvuka kwebhambu muWhite City, Bulawayo

Zvichitevera kuputika kwaita bhambu pamusangano wange uchiitwa nemutungamiri weZanu-PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, muWhite City Stadium kuBulawayo, imwe nhengo yeZanu-PF yange iri pamusangano uyu, VaBelieve Gaule, vanoti vaona kuputika kwaita bhambu iri.

VaGaule vati bhambu iri raputika musangano wasvika kumagumo.

“Musangano wanga watopera uye president vange vatopedza kutaura uye paitwa munamato,” VaGaule vaudza Studio 7.

“Bhambu raputika president vave kutobuda uye rakuvadza vanhu vazhinji vange vari padyo napresident. Pane vanhu vakuvara vakati wandei,” vadaro VaGaule.

VaGaule vatiwo panofanirwa kuva nevanhu vafa muchiitiko ichi, icho chavasiya vasina kugadzikana.

VaMnangagwa pachavo vaudza nhepfenyuro yeZBC kuti pane vanhu vari kuda kuvauraya vakati vanhu vaita izvi imbwede chaidzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumapurisa kana paine vafa pachiitiko ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika, uye vari mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vanoti zvaitika nhasi muBulawayo zvinhu zvinofanirwa kutorerwa matanho akasimba nehurumende.

VaMavhinga vanoti mapurisa anofanirwa kushanda zvakasimba mukuona kuti hupenyu hwemutungamiri wenyika hausi munjodzi.

Vatiwo munguva ino yekutsvaga rutsigiro, mapurisa anofanirwa kuchengetedzawo mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, kuitira kuti pasaonekwe pachiitika zvinhu zvinogona kuzopa veruzhinji kuti vafungire kuti zvine chekuita nemabasa ehurumende.

VaMavhinga vatiwo vatungamiri vemapato vari kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, vanofanirwawo kuchengetedzwa nemapurisa.

“Ikozvino panyaya yaitika iyi, ngapave netsvakiridzo yakakwana nekuferefeta kwakakwana kuitira kuti kana kuine vanhu vari kuzviita vazivikanwe vobiswa munharaunda voendeswa kumatare edzimhosva nekumajere kuti zvivikanwe kuti vaye vakazviita havachisiko asi, zvekarewo, kosimudzirwa kuchengetedzwa kwevatungamiri,” VaMavhinga vakaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG