Accessibility links

Breaking News

Aive Mutambi weNhabvu, Japhet Mparutsa, Okurudzira Kuumbwa kweZvikwata zveVechidiki zveNhabvu


Japphet Mparutsa ari kukurudzira kuti zvikwata zvenhabvu zviumbe zvikwata zvevechidiki senzira yekusimudzira nhabvu munyika.
Japphet Mparutsa ari kukurudzira kuti zvikwata zvenhabvu zviumbe zvikwata zvevechidiki senzira yekusimudzira nhabvu munyika.

Mubati wepagedhe akaita mukurumbira Japhet Mparutsa anoti Zimbabwe inofanira kudzora nhabvu yevechidiki kana ichida kukwezva vatsigiri kudzinhandare avo vasisaende kumitambo muhuhwandu hwavo hwekare.

Mparutsa, uyo akasarudzwa kuve mutambi akanwisa mvura kukunda vamwe vose kana kuti Soccer Star of the Year muna 1982, anoti nhabvu munyika yadzikira nekuti hakusisina tarenda rechidiki rakawanda riri kunyuka sezvo Zimbabwe yarasa tsika yekusimudzira bhora mune vechidiki ava.

Mparutsa anoti mazuva avo zvikwata zvese zvemuPremier Soccer League zvaive nezvikwata zvevechidiki zvaibva pamakore gumi nemana zvichikwira kusvika pamakore makumi maviri izvo zvisisiko mazuva ano.

Anoyeuka mazuva ekare apo veruzhinji vaizadza dzinhandare vachiwana zvaivavaraidza muzvikwata zvevechidiki izvo zvaikwikwidzana mutambo mukuru wezuva iroro usati watanga.

Mubati wepagedhe uyu, uyo akambotambirawo Dynamos neBlack Rhinos, anoti anotarisa kwaakabva nemufaro mukuru mushure mekutanga kutambira chikwata chenyika ari mudiki aine makore gumi nemasere chete.

Mutambi wenhabvu uyu anoseka zvake apo anoyeuka gore ra 1985 aine makore makumi maviri nerimwechete apo Zimbabwe yakashanya kuSenegal uko vakanotambira munhandare yaanoti yainge yevana vechikoro.

Mparutsa, uyo ave nemakore makumi mashanu nemanomwe ekuberekwa ari kunyemwerera kuti vatambi venhabvu vave kutambira mari yekukwanisa kurarama hupenyu hunoonekera.

Asi anoti haasi kufara nehutungamiri hwenhabvu munyika muno uho anoti hauna rudo rwakadzama rwemutambo uyu asi kuti zvimwe zvinangwa.

Mparutsa, uyo ari kuita zvidzidzo zvake zvehutungamiri hwemitambo kana kuti Sports Management kuUnited Kingdom, anoti ari kutarisira kuzodzoka kumusha rimwe zuva kuzotungamira nhabvu munyika.

Kune vakawanda vari kusheedzera kuti nhabvu muZimbabwe yave kuda kutungamirwa neavo vakambotambira maWarriors kana zvikwata zvine mazita.

Nyaya ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG