Accessibility links

Breaking News

VaTshinga Dube Vanotsanangura Zvakaitika "Bhambu" Risati Raputika


VaTshinga Dube
VaTshinga Dube

Vaimbove gurukota rinoona nezvevakamborwa hondo yerusununguko, VaTshinga Dube, vanoti bhambu rakaputika neMugovera panguva iyo ivo nemudzimai wavo vakange vachitaura nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantine Chiwenga.

VaDube vanoti vakakuvara pabvi asi mudzimai wavo akambovhiringika amedza hutsi hwakabva mubhambu iri.

“Zvinhu zvacho zvakaitika nekukurumidza zvokuti ndinenge ndichinyepa kuti chii chakaitika,” VaDube vakaudza Studio7. “Takange tigere apo pakauya General Chiwenga vachida kukwazisa mudzimai wangu. Panguva iyoyo ndipo pakatanga kudhuvuka ini ndikarara pasi asi mudzimai wangu akafema hutsi hwebhambu iri vakadonha nechekumusoro kwangu. Zvinhu zvacho zvakaitika nekukurumidza.”

Vanhu vakawanda vanodarika makumi mana vakakuvara pachiitiko ichi, kusanganisira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, mudzimai wemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Mary Chiwenga nevamwe.

Kusvika pari zvino, vanhu vaviri vafa zvichitevera kuputika kwechombo neMugovera.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havana kukuvara.

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, vanoti hurumende yaisa mari parutivi ichapihwa munhu ane mashoko achaita kuti vakapara mhosva ava vasungwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG