Accessibility links

Breaking News

VaGutu Vanotsanangura Zvakapa Kuti Vaende kuZanu-PF.


VaObert Gutu

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri we MDC-T apo yaitungamirwa naMuzvare Thokozane Khupe, VaObert Gutu, vanoti vakatora danho rekupinda muZanu PF pachavo pasina kumanikidzwa.

VaGutu, avo vakamboita mutauriri weMDC VaMorgan Tsvangirai vachiri mupenyu, vanoti kumbosiya kwavakanga vaita zvematongerwo enyika kwainge kwakonzerwa nenyaya dzekunyombana dzaiitika mumapato.

Mashoko aVaGutu anotevera kuchingamidzwa muZanu PF kwavakaitwa nezuro nemutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa.

VaMnangagwa vakatambirawo kupinda muZanu PF kwaVaJames Makore, avo vaivewo nhengo yeMDC kwenguva yakareba.

VaGutu vanoti vapinda muZanu PF nokuti Zimbabwe inoda rubatsiro kuitira kuti zvizvarwa zvayo zvigare zvakasununguka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutungamiri werimwe bato rinopikisa, reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vati zviri kuitika zvinoratidza kuti ihari yezvematongerwo enyika iri kufashaira.

Vatiwo vanhu vari kubuda mumapato anopikisa vachienda kuZanu-PF, vanhu vasisina zvigaro mumapato avo.

Doctor Zembe vatiwo zviri kuitika izvi chiratidzo chekuti Zanu-PF iri kuvhunduka ichiona kuti vanhu vari kuda kuti zvinhu zvishandurwe munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 yatadza kubata mukuru wezvekubudiswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, kuti tinzwe divi rwavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG