Accessibility links

Breaking News

VaZhuwao Vanoti Hurumende yaVaMnangagwa Haisi Pamutemo


VaPatrick Zhuwao
VaPatrick Zhuwao

Vaimbove gurukota muhurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaPatrick Zhuwao, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havangagoni kuwana mavhoti anosvika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana uye hurumende yavo haisi pamutemo.

Vazhuwao, avo varamba kutaura kuti vari kupi, varambawo mashoko anyorwa nebepanhau re NewsDay ichiti vakaonekwa muHarare vanasekuru vavo, VaRobert Mugabe, avo vanonzi vakadzoka munyika neChina.

“Ndinofunga zvandingati ndikumbire ndezvekuti ivo vemapepanhau ngavavevo vanhu vane hany'a nenyaya dzehupenyu hwevamwe vanhu kuti vasanyanyokuda kufara kuda kukanganisa mararamiro evamwe. Vacherechedze zvavanokurukura, zvavanotaura nekuti nedzimwe nguva vanoburitsa zvinhu zvinoita kuti mumwe munhu azopinda patsikwende kana kutotsakatika,” VaZhuwao vaudza Studio 7.

Vakatarisa hurumende yaVaMnangagwa, VaZhuwao vati haisi hurumende iri pamutemo asi kuti ihurumende yevanhu vanokara vanofanira kubviswa pachigaro uye vachabviswa musarudzo dzegore rino.

Havana kuda kutaura kuti vamwe vavo, Professor Jonathan Moyo naVaSavior Kasukuwere, vari kupi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:15:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG