Gurukota ranga richiona nezvekudyidzana pamwe nekutengeserana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, vashaya nechirwere cheCovid-19.
VaMoyo, avo vaimbove major general muchiuto vasati vaitwa gurukota, vashaya mangwanani emusi weChitatu pane chimwe chipatara chemuHarare mushure mekurwara nechirwere cheCovid-19.
Kushayika kwaVaMoyo kwaziviswa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuburikidza negwaro ravaburitsira masangano enhau iro ranyorwa nemutauriri wavo, VaGeorge Charamba, avo vakafanobata chigaro chemunyori muhofisi yemutumgamiri wenyika pamwe nedare remakurukota ehurumende.
VaMnangagwa vaburitsawo mashoko pandemutande ravo reTwitter vachiti VaMoyo vanga vari gamba uye varasikirwa nemunhu wavatsanangura seshamwari yavo.
Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati varwadziwa zvikuru sebato nekushayika kwaVaSibusiso Moyo.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaKindness Paradza, vatiwo nyika yarasikirwa zvikuru nekufa kwaita VaMoyo.
VaMugwadi vati VaMoyo, avo vanozivikanwa zvikuru nekubuda kwavakaita pachivhitivhiti musi waMbudzi 15, 2017 vachizivisa nyika kuti masoja ainge apindira munyaya dzezvematongerwo enyika zvakazoita kuti vaimbova mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, vasiye basa, vakabata basa guru munyika kusanganisira kurwisana nezvirango zvakatemerwa VaMnangagwa nevamwe.
Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vati kunyange vasingawirirane nebato reZanu PF rinova ranga riri bato ranga riri pamwoyo waVaMoyo, rufu ndimadzongonyodze nokudaro vati sebato vari kuchema nemhuri yemufi.
Asi Muzvare Hlatshwayo vati kufa kwaVaMoyo nechirwere cheCovid-19 kunoburitsa pachena kuti chirwere ichi hachisarure uye hurumende inofanira kushanda zvakasimba kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira munyika.
Mashoko aMuzvare Hlatshwayo atsinhirwa nemutauriri webato ravo, VaClifford Hlatshwayo.
VaMoyo igurukota rehurumende rechitatu kufa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kufa kwakaita vaiva gurukota rezvekurima, VaPerence Shiri, pamwe negurukota raiona nezvedunhu reManicaland, Amai Ellen Gwaradzimba.
Pari zvino vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 vave mazana masere nemakumi maviri nevashanu (825) uye huwandu uhwu hunogona kukwira manheru anhasi pachaziviswa nebazi rezvehutano mamiriro aita zvinhu munyika pamusoro pechirwere ichi.
VaMoyo vakaberekerwa pachipatara cheMnene kuMberengwa muna 1960 vakaita zvidzidzo zvavo zvekudyidzana kwenyika kana kuti international relations paUniversity of Zimbabwe neku Zimbabwe Open University.
VaMoyo vaiva major general muchiuto vasati vakwidziridzwa kuve Liuetenant General pavakasiya basa muna 2017 pavakazoitwa gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.
Vasiya mudzimai, Amai Loice Matanda Moyo, avo vanove sachigaro wekomisheni inorwisa huori yeZimbabwe Anti Corruption Commission.
Amai Matanda Moyo vaudza Studio7 parunhare kuti varwadziwa zvikuru nekushaya kwemurume wavo vakati pari zvino havasi kuda kutaura zvakawanda sezvo vari panguva yekuchema murume wavo.
Facebook Forum