Accessibility links

VaSibusiso Moyo Vanoti Vanoda Kugadzirisa Hukama hweZimbabwe neDzimwe Nyika


Gurukota rezvekudyana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Retired Major General Sibusiso Moyo, vanoti basa ravo guru nderekugadzirisa hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika kuitira kuti pave nekudyidzana kwakanaka pakati peZimbabwe nenyika dzepasi rose.

VaMoyo vanoti hurumende ichatevedzera zvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika panyaya yezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika izvo zvinoti zvine kodzero yekuvhota.

Ministry yandinayo yasiyana, zita rayo nezvainotarisirwa kuita uye nebasa rayo. Rava rekuvakidzira hukama uyezve nekuburikidzana kwe hupfumi munyika dzese pasi rese.,” VaMoyo vakaudza Studio7.

“Zvatosiyana maitiro acho. Ikozvino ndizvo zvatave kuda kuti tichinangana nazvo; ndizvo zvinoda hurumende iripo ikozvino,” vadaro VaMoyo.

VaMoyo vanoti senhengo yeSADC, vachatanga kushanyira dzimwe dzenyika idzi, vozoshanyara dzimwe nyika dzemuAfrica vozoshanyira dzimwe nyika.

"SADC ndidzo nyika dzakakosha, tozoenda muAfrica tisati tashanyira dzimwe nyika dzinenge dzabvuma kuti tivakidzane nadzo,” vadaro VaMoyo

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG