Accessibility links

Breaking News

Zifa Yonamatira Kumiswa kweMitambo yeNhabvu Kuburikidza neCoronavirus


ZIFA PRESIDENT FELTON KAMAMBO AND BOARD MEMBER BARBRA CHIKOSI.j
ZIFA PRESIDENT FELTON KAMAMBO AND BOARD MEMBER BARBRA CHIKOSI.j

Zimbabwe Footaball Association (ZIFA) yaudza paramende kuti iri kunamata kuti mutambo weZimbabwe neAlgeria weConfederation of Africa Football (CAF) uyo unotarisirwa kutambwa kuSouth Africa mushure mekunge nhandare dzemuno dzanzi hadzikodzeri kutambirwa nhabvu, uchambomiswa nekuda kwechirwere cheCoronavirus icho chapararira pasi rese kusanganisira South Africa neAlgeria.

ZIFA inoti kana izvi zvikaitika, zvinopa Zimbabwe mukana wekugadzirisa nhandare yadzo uye mutambo uyu unogona kuzotambirwa muZimbabwe.

Vachipa humbowo kukomiti inoona nezvemutambo pamusoro pemamiriro akaita nhandare dzemuno, mutungamiriri weZIFA, VaFelton Kamambo, vati zvichitevera chisungo cheCAF, vakatora danho rekuti mutambo uyu utambirwe kuSouth Africa.

Vati kunyange hazvo vaida kuti mutambo uyu utambirwe kunhandare yeOrlando, izvi hazvichaita uye vave kutarisira kuti mutambo uyu utambirwe munhandare yeDobsonville kuSoweto.

Asi vati hapana chibvumirano chati chaitwa kuti vashandise nhandare iyi uye vati nhume dzavo dziri kusangana neSouth Africa Footaball Association, hurumende yeSouth Africa pamwe nevamiriri vemuzinda wemumiriri weZimbabwe kuSouth Africa kuti vagdzirise nyaya iyi.

Vati kana vakatadza kuwana nhandare kuSouth Africa, vachatsvaga nhandare kuZambia.

Asi vati nokuda kwechirwere cheCoronavirus icho chatove kuSouth Africa neAlgeria, vanovimba kuti mutambo uyu uchaendeswa mberi.

Vanoona nezvemari muZIFA, VaPhilemon Machana, vati vakatonyorera kuhurumende neCAF vachikumbira kuti mutambo uye uendeswe mberi uye vakamirira mhinduro.

Vati kana mutambo uyu ukaendeswa mberi, zvinopa mukana wekuti nhandare dzemuZimbabwe dzeBarbourfields neNational Sports Stadium dzigadzirwe uye mutambo uyu unozotambirwa muno.

Vatiwo kunyange mutambo wekuSouth Africa ukabudirira Zimbabwe haisi kuda kuenda kuAlgeria uye yakatonyorera CAF ichiti Algeria inofanirawo kutambira kunyika isina Coronavirus.

Chirwere ichi chatouraya munhu mumwe muAlgeria.

Vakuru veZIFA vazivisawo kuti kusvika pari zvino mutambo weZimbabwe neAlgeria hausati wava kushambadzwa nekuti South African Football Association yakamirira kunzwa kubva kuAlgeria yacho ichabvumidzwa kupinda muSouth Africa here sezvo nyika zhinji dzave kurambidza vanhu vanobva kunyika dzine Coronavirus kupinda munyika madzo.

VaKamambo vatiwo pane vatambi vasere vanotambira mhiri kwemakungwa vakatozivisa kuti havakwanisi kuzotambira maWarriors nekuda kweCoronavirus.

VaKamambo vati vane bhajeti rezviuru zana nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica pamutambo weAlgeria asi kana mutambo uyu ukatambirwa kuSouth Africa, vanenge vave kuda zviuru mazana maviri zvemadhora ekuAmerica.

Mumiriri weHighfields East, VaEric Murayi veMDC, vati ZIFA inofanira kutoramba zvachose kutamba neAlgeria vachiti hutano hwemaWarriors hwakakosha kudarika nhabvu.

VaKamambo vaudzawo paramende kuti ZIFA haina rubatsiro rwemari hwairi kuwana kubva kuhurumende nekudaro gore rino pamitambo yese yemaNational Teams inotambirwa munyika dzemuSADC, vatambi vanenge vachienda nemabhazi.

Sachigaro vekomiti yezvemutambo, VaMathias Tongofa, vaudza ZIFA kuti inofanira kushanda nekomiti yavo vachiti dai vakaziva matambudziko eZIFA kare, vangadai vakaibatsira pane zvakawanda kusanganisira kutsvaga mari yekugadzirisa nhandare kuti mitambo yeCAF itambirwe.

Asi kunyange ZIFA ichitarisira kuti mutambo wayo neAlgeria uchaendeswa mberi, CAF yazivisa nhasi kuti mitambo yayo yese iri kuenderera mberi.

Yati yasununguka kuti mitambo iyi itambwe munhandare dzisina vanhu nekuda kweCoronavirus.

Dzimwe nyika dzakaita seMadagascar neKenya dzatorambidza vatambi vadzo kuenda kune dzimwe nyika nekuda kweCoronavirus.

Kusvika pari zvino Coronavirus yabata vanhu vanodarika zviuru zana nemakumi maviri nekuuraya vanhu vanodarika zviuru zvina nemazana matanhatu pasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG