Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobvuma Kuti Kuwaniswa Chikafu Kuri Kuitwa Zvine Rusarura Mukati


Komisheni inoona nezvekodzeero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, inoti hurumende yakabvuma kuti pari kuitwa zvematongerwo enyika pakugoverwa kwechikafu munzvimbo dzine nzara munyika

Komisheni inoona nezvekodzeero dzevanhu, yeZimbabwe Human Rights Commission, inoti hurumende yakabvuma kuti pari kuitwa zvematongerwo enyika pakugoverwa kwechikafu munzvimbo dzine nzara munyika.

Komisheni iyi inoti hurumende iri kutora matanho ekugadzirisa nyaya iyi.

Izvi zvinonzi zviri muongororo yakaitwa nekomisheni iyi gore rapfuura zvichtevera zvichemo zvavanhu, iyo yakaratidza kuti paiitwa zvematongerwo enyika pakugovewa kwechikafu.

Ongororo iyi yakaburitsa kuti vebato riri kutonga reZanu PF pamwe nevamwe vashandi vehurumende, ndivo vainzi vaiita rusarura vasingape nhengo kana vatsigiri vemapato anopikisa kana zvimwe zvikwata zviri mubato iri.

Mushure mekunge komisheni iyi yaburitsa zvayakawana, vakuru vakuru muhurumende vakaramba kuti paiitwa zvematongerwo enyika vachiti munhu wese aida rubatsiro airuwana.

Asi sachigaro wekomisheni iyi, VaElasto Mugwadi, vati hurumende yakazobvuma kukomisheni yavo kuti paive nematambudziko pakugoviwa kwechikafu uye yakati yave kugadzirisa matambudziko aya.

VaMugwadi vati hurumende iri kutiwo vamwe vari kugunun’una kuti vari kunyimwa chikafu havakodzeri kunge vari kupihwa rubatsiro sezvo vachikwanisa kuzvitsvagira chikafu vega.

VaMugwadi vati ishuviro yavo kuti hurumende ichaita sekutaura kwayo uye pavachaita imwe ongororo dambudziko iri rinenge rapera.

Asi vemapato anopikisa vanoti dambudziko rezvematogerwo enyika panyaya dzechikafu nembeu richiri kuenderera mberi munzvimbo dzakawanda munyika.

Mutauriri weMDC inotungamiririrwa, naVaMorgan Tsvangirai, VaObert Gutu, vaudza Studio 7 kuti nhasi chaiko vatambira chichemo chevanhu vari kunyimwa chikafu kuMashonaland East.

VaGutu vati hurumende inozviziva kuti vanhu vari kunyimwa chikafu nembeu uye haina chido chekupedza dambudziko iri.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauone Chihwayi, vaudzwo Studio7 kuti dambudziko iri riri kuramba richikura munyika uye veZimbabwe Human Rights Commission vanofanira kurigadzirisa nekukasika.

Vati svondo rino chete vakawana zvichemo kubva kunhengo dzebato ravo kuMatabeleland South neNorth, kuMalipati kuMasvingo nekuMahuwe neMana Pools kuMashonaland Central kuti vatsigiri vebato ravo nevamwe vasiri veZanu PF vari kunyimwa chikafu, mbeu nefortireza.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rebato reZanu PF panyaya iyi sezvo takundikana kubata mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kugurukota rinoona nezvevashandi pamwe nekubatwa kwevanhu zvakanaka, Amai Priscah Mupfumira, kana mutevedzeri wavo, VaTapiwa Matangaidze, sezvo vange vasiri kudaira mbozhanhare dzavo.

Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa uye vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vanoda rubatsiro rwechikafu munyika yose.

Zvichakadai, Amai Makanatsa Makonese nhasi vatora mhiko yekutanga basa semukuru wekomisheni iyi. Komisheni iyi yange isina mukuru kwegore rapfuura mushure mekunge vaitungamira komisheni iyi, Amai Ester Helena Charewa, vadomwa kuve mutongi mudare repamusoro.

Amai Makonese vanoti vachaenderera mberi nebasa range richiitwa nekomisheni iyi mukusimudzira kodzero dzevanhu munyika.

VaMugwadi vanoti komisheni yavo inotadziswa kuita basa rayo nemazvo nekuda kwekushomeka kwemari. Pari zvino komisheni iyi inowana mari kubva kuhurumende pamwe nemasangano anopa rubatsiro.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG