Accessibility links

Breaking News

Vanhu Votadza KufambaZvichitevera Kuparadzwa kweMabhiriji neMvura


Mercymore Ncube
Mercymore Ncube

Vamwe vagari vekumaruwa eSibhula kuGwanda North vari kutadza kuita mabasa avo emazuva ose kusanganisira kutadza kuenda kuchigayo, kuzvitoro, kumakiriniki pamwe nekuzvikoro sezvo vari munzvimbo dzakakomberedzwa nenzizi mbiri dzakazara.

Bhiriji rinoita kuti vanhu ava vakwanise kuyambuka vachienda kune zvitoro, zvikoro kana zvipatara rakaparadzwa nemvura.

Inguva dzekuma 4 masikati uye Muzvare Mercymore Ncube vagere paruware rwuri mumahombekombe ari kumadokero kwerwizi Hovi.

Chiso chavo chinoratidza kuti vane zvinhu zviri kuvanetsa.

Muzvare Ncube vanogara kuMasakeni kumaruwa ekuSibhula kuGwanda North.

Nzvimbo iyi iri makiromita makumi mana kuchamhembe kwakadziva kumadokero kwedhorobha reGwanda.

Studio 7 yakawana Muzvare Ncube vakamirira kuwana vanhu vaizovabatsira kuendesa pasuro yechikafu kune mumwe mwana wavo pamwe nevanin’ina vavo vatatu vanogara kumhiri kwerwizi Hovi uko kunoziikanwa kuchinzi kuEsihlengeni izvo zvinoreva chitsuwa.

Muzvare Ncube, avo vane mwana ari kuyamwa, vakati bhiriji reparwizi Hovi rakadhirika saka vanhu vakawanda havazi kukwanisa kuyambuka rwizi urwu vachienda kana kubva kuEsihlengeni uko kunogara ambuya vavo.

VaWellington Ncube avo vane makore makumi matatu nemasere ekuberekwa ndemumwe mugari wekuEsihlengeni.

VaNcube vanoti nekuda kwekuti vanogara pakati perwizi Hovi nerumwe rwizi Maleme vagari vakawanda vemunzvimbo umu havachakwanisi kurarama hupenyu hwavo hwemazuva ose kusanganisira kuenda kuchigayo kana kuenda kuzvitoro.

Vanotiwo vamwe vana vakawanda vanogara kumadokero kwerwizi Hovi havachakwanisi kuuya kuchikoro paSibhula Primary neSecondary izvo zviri kuEsihlengeni.

Svondo rapfuura, vanhu vekuEsihlengeni vakauya vakasiirwa chikafu nendege dzeAirforce of Zimbabwe uye rubatsiro urwu rwakauya pasi pesangano reCiviil Pretection Unit.

VaNcube vanotenda kuti izvi zvakambobatsira vagari.

Asi vanochemachemawo nenyaya yekuti kunzvimbo yavanogara hakuchasvike mabhazi kana makombi.

Vanorwara vanotadza kuenda kukiriniki nekuda kwedambudziko rekushikwa kwebhiriji iri.

VaNkosilathi Khumalo vanogara kuMasakeni asi minda yavo yavanorima iri kuEsihlengeni.

VaKhumalo, avo vane makore makumi matatu nemanomwe ekuzvarwa, vanotsinhirawo nyaya yekukosha kwakaita kuti bhiriji rivakwe uye vanoti vanorwadziwa nenyaya yekuti havana budiriro yakanyanya yavakawona munzvimbo mavo kwemakore akwanda apfuura.

VaKhumalo vakaudza Studio7 kuti mumiriri weparamende weGwanda North, VaMadodana Sibanda, vakaudza vagari kuti vanoziva nezvematambudziko ari munzvimbo iyi nekuda kwekushaikwa kwebhiriji asi vakati havana zvakawanda zvavanokwanisa kuita pari zvino sezvo hurumedne isina mari.

Studio 7 haina kukwanisakunzwa kubva kuna VaSibanda panyaya iyi.

Nzvimbo yeSibhula ndeimwe yenzvimbo dzakawanda munyika dzakatarisana nemambudziko akadai mushure mekunaya kwemvura yakawandagore rino.

Mvura iyi yauraya vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mashanu, uye kuparadza misha inodarika zviuru zviviri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG