Accessibility links

Breaking News

Vamwe vanotengesa zvinhu paAvondale Flea Market, iyo iri paAvondale Shopping Centre muHarare, vanoti dambudziko remari riri kudzosera shure basa ravo.

Vatengesi ava vanoti gore rapera vanhu vaishaya pokutsika nekuwanda kwavo vachitenga zvinhu pamusika uyu, asi gore rino kune vari kudzokera kumba pasina chavatengesa.

Mumwe mudzimai wechikuru anofamba nemadondoro, Gogo Moline Madzamba, vanoti havasi kuwana mari sezvo vanhu vari kutadza kutenga zvinhu nepamusana pedambudziko rekushaya mari.

Amai Gladys Chodokufa, avo vaimboshanda muhurumende, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka nepamusana pedambudziko remari.

Asi mumwe mukomana, Pondai Pirato, anoti zvinhu zvake zviri kutengwa chaizvo nekuti anotambira kubharwa neEcocash.

VaVictor Zireva, avo vanotengesa mafoni, vanoti gore rino bhizinesi riri nani nokuti mafoni avo ari kutengwa chaizvo asi dambudziko zvakare nderekuti vari kutenga neEcocash.

VaMasiiwa Nyamundanda vanotengesa hembe dzemhando yeAfrican Attire.

Vanoti zvinhu muZimbabwe hazvina kumira zvakanaka ndokusaka bhizinesi repa Avondale Flea Market risiri kufamba zvakanaka.

Avondale Flea Market inofarirwa neruzhinji rwevagari vemuHarare nokuti hapana tsvina sezvinowanikwa mudzimwe nzvimbo uye yakarongeka chaizvo,asi gore rino huhwandu hwevanotenga hwakadzikira pasi zvakanyanyisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG