Accessibility links

Breaking News

Vechidiki Vari Kuvhota Vanoti Vachavhotera Shanduko Munyika


Chinhoyi Youths
Chinhoyi Youths

Vechidiki vari kutanga kuvhota gore rino vanoti vanovimba kuti vhoti yavo ichaunza shanduka munyika.

Vechidiki ava vanoti vaneta nehurovha kubva pavakapedza zvidzidzo zvavo nekudaro vanotarisira kuti mutungamiri wavachavhotera achakwanisa kuvandudza hupfumi izvo zvichaita kuti mabhizinisi atange kushanda zvichavapa mabasa.

Mumwe wevechidiki, VaHuxley Briet, avo vanogara mumusha weveruzhinji weGunhill, vanoti vakafunga zvekunyoresa kuti vavhote kekutanga sezvo kukura kwavo kwose vaingonzwa vanhu vakawanda vachichemachema kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvehupfumi.

VaBriet vanoti vakafunga kuti vanhu vakanovhota vakawanda zvinounza shanduko inodiwa neveruzhinji munyika.

VaBriet vanoti vachavhotera mutungamiri anonzwa nekugadzirisa zvichemo zvevanhu.

Mumwe wevechidiki, VaLiberty Mukosiwa, ane chivimbo chekuti mutungamiri waachavhotera anokwanisa kugadzirisa nyaya dzehupfumi kuti vanhu vawane mabasa.

VaMukosiwa vanoti vanoda mutungamiri anokwanisa kupinda muvanhu achinzwa zvichemo zvavo nekuzvigadzirisa.

VaOwen Gorejena vanogara mumusha weveruzhinji weChikonohono.

VaGorejena vanoti nguva yasvika yekuti havafanirwe kuramba vachikumirwa semombe yemavhu.

VaGorejena vanoti rwendo rwuno vari kunovhotera mutungamiri kwete zvekusarudzirwa vatungamiri ivo vasinga vhote.

VaGorejena vanoti vane chivimbo chekuti mutungamiri wavachavhotera anokwanisa kuchinji zvehupfumi izvo zvichavapa mabasa uye anodiwa kwete naivo voga asi nevakawanda munyika.

Mumwe wechidiki anoda kuzivikanwa nezita rekuti Boss Mugo anoti kushanduka kwakaita hutungamiri munyika gore rapera muna Mbudzi kwakasimudzira tariro yekuti zvinhu zvinogona kushanduka munyika zvinoda vanhu.

Boss Mugo anoti kushanduka kwakaita zvinhu munyika ndiko kwakaita kuti anyorese kuvhota netarisiro yekuti zvinhu zvichaenderera mberi zvichishanduka.

Kunyange hazvo vechidiki vari ivo vakawanda munyika wongororo yakaitwa inoratidza kuti vashoma vavo ndivo vanoenda kunovhota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG