Accessibility links

Breaking News

VaFortune Chasi Voita Dzepfunde Kuna VaMnangagwa


Min Fortune Chasi In Bulawayo

Vanga vari gurukota rezvemhando dzemoto, VaFortune Chasi, vanoti vanotambira danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rekuvabvisa pachigaro, vachiti VaMnangagwa vane masimba ekuita zvavakaita.

VaChari vakabviswa naVaMnangagwa neChishanu pachigaro chegurukota rezvemhando dzemoto vachinzi vakatadza kuita basa ravo sezvaitarisirwa nemutungamiri wenyika.

VaChasi vakatora bazi iri muna Chivabvu gore rapera zvichitevera kubviswa kwakaitwa VaJoram Gumbo segurukota rezvemhando dzemoto.

Vanga vashanda mubazi iri kwemazuva mazana mana nemakumi mashanu nemanomwe, uye vanoita gurukota rechitatu kudzingwa muhurumende yaVaMnangagwa zvichitevera kudzingwa kwakaitwa VaObadiah Moyo segurukota rezvehutano mwedzi wapera, uye Amai Prisca Mupfumira gore rapera.

VaMnangagwa vakabva vadoma neChishanu mumiriri weMuzarabani North, VaSoda Zhemu, segurukota rezvemhando dzemoto.

VaChasi vanoti kunyange hazvo vadzingwa basa, vanofara kuti vakaita basa ravo nepavanogona napo apo vakadomwa segurukota rezvemhando dzemoto vachipinda muhofisi iyi munyika musina magetsi kusvikira musi wavapedzisira kuita basa ravo munyika mava nemagetsi.

Pane remangwana ravo, VaChasi vanoti vacharamba vachienderera mberi nedzidzo pamwe nekumirira dunhu ravo reMazowe South muparamende.

VaChasi vanoti mukuita basa ravo, vakakwanisa kuita zvavaikwanisa zvinodarika zvishanu kubva mugumi nepamusana pekuti hupfumi hwenyika hwaivhiringawo budiriro yebasa ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG