Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanoudzwa Kuti Vanhu Havachina Chivimbo Navo


Finance Minister Mthuli Ncube gestures during a media briefing in Harare, Zimbabwe, Oct. 5, 2018.
Finance Minister Mthuli Ncube gestures during a media briefing in Harare, Zimbabwe, Oct. 5, 2018.

Dzimwe nhengo dzeparamende dzaudza gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, kuti veruzhinji havachavimba navo munyaya dzehupfumi sezvo zvose zvavakaita kubva pavakagadzwa segurukota rezvemari gore rapera zviri kuomera veruzhinji mukurarama kwavo.

Nhengo inomirira Norton yakazvimirira, VaTemba Mliswa, vaudza VaNcube kuti hurumende yakatanga ichiti bhondi noti raive nehuremu hwakafanana nedhora rekuAmerica, asi ikazoshandura izvi izvo zvakaita kuti vanhu varasikirwe nemari dzavo.

Vatiwo pari zvino vemabhizimisi vari kutara mitengo inoenderana nemutengo wemari pamukoto izvo zvinoita kuti mitengo yezvinhu ive pamusoro zvakanyanya.

VaMliswa vati kuita kwakadai ndiko kwaita kuti vanhu vasavimbe navo VaNcube pamwe nehurumende.

Asi VaNcube vati nhengo dzeparamende dzinofanira kuvimba navo nehurumende sezvo vari kuvandudza mashandiro emabhanga nekushandiswa kwemari munyika kuitira kuti zvinhu zvinakire veruzhinji.

Vati pane matanho akawanda avari kutora achaita kuti zvinhu zvinake munyika.

Mumiriri weKwekwe Central, VaMasango Matambanadzo, vaudzawo VaNcube kuti nyaya yekusiyanisa huremu hwemabhondi nedhora rekuAmerica yaomesera vanhu vakawanda munyika.

Vati zvakakosha kuti hurumende ione zvaingaite kuitira kuti mari dzevashandi vayo nevemakambani akazvimirira dzawedzerwe kuitira kuti dzienderane nekudhura kwave kuita zvinhu.

Asi VaNcube vati hurumende yakatogadzirisa mihoro yevashandi vayo ndosaka iri kuvapa mari dzekubatsirikana.

Vatiwo vanoziva kuti vashandi mumakambani akazvimirira vari kuwedzerwawo mari dzavanotambira.

Asi VaMatambanadzo vati mari yakawedzerwa vashandi haina zvainobatsira nekuti mitengo yezvinhu yakakwirawo zvakanyanya.

Asi VaNcube vati havasi kuzowedzera mihoro yevashandi kuti ienderane nehuremu hwemari yekuAmerica vachiti kunyange hazvo mitengo iri kuita chamurambamhuru, mitengo yezvimwe zvinhu yave kudzikiri nekuti zvave kutengwa nevanhu vashoma.

Vati izvi zviri pachena kuti vemabhizimisi vari kutenga mari yekunze pamukoto asi ivo vachifanira kutenga mari iyi mumabhanga.

Vati pari zvino mabhanga ane mari yekunze mamiriyoni mazana masere emadhora ekuAmerica uye iyi ndiyo mari inofanira kushandiswa nemaindasitiri nemakambani.

Mune imwewo nyaya mumiriri weChipinge East, VaMatthew Mlambo, vati havasi kufara kuti vanhu vakagariswa patsva nehurumende kuma 2000 vave kudzingwa munzvimbo idzi zvisina chikonzero.

Vati izvi zviri kuitika munzvimbo dzakawanda munyika.

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaDouglas Karoro, vati vanhu vari kudzingwa ndevaya vagere munzvimbo dzisingakodzeri dzakaita semafuro emombe kana matoro.

Pane mhuri dzakawanda dzakadzingwa mumapurazi adzakapihwa nehurumende makore akawanda pafuura kuChemagora kuMidlands nekuMashonaland West uye vakarwira hondo yerusununguko vari kunyunyutawo pamusoro nenyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG