Accessibility links

Breaking News

VaNcube Vanoti Mutengo weMagetsi Wakwidzwa Mubhajeti Ravatura


Finance Minister Mthuli Ncube gestures during a media briefing in Harare, Zimbabwe, Oct. 5, 2018.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vaparura hurongwa hwekuwedzera mari ichashandiswa nehurumende hwemabhiriyoni gumi nemasere ane mazanba matanhatu nemakumi maviri ezviuru zvemadhora emaRTGS.

VaNcube vatura bhajeti iri kunhengo dzeZanu PF chete mushure mekunge nhengo dzeMDC dzaramba kupinda mudare dzichiti hadzitori VaEmmerson Mnangagwa sumutungamiri wenyika.

VaMnangagwa vange vari mudare apo VaNcube vanga vachitaura.

VaNcube vati bhajeti ravo rine zvinangagwa zvinosanganisira kusimudzira maindasitiri, kuwanisa vanhu chikafu chakakwana, kutsigira zvirongwa zvekurima, kubata vashandi vehurumende navanasorojena zvakanaka pamwe nekuchengetedza vanotambura.

Vati nekuda kwaizvozvo, mari inotambira vashandi vehurumende ichawadzerwa mubhajeti iri kubva pamabhiriyoni mana kusvika paZWL$5.56 billion ari maRTGS.

VaNcube vatiwo senzira yekurerutsa mushandi pakuoma kwaita zvinhu, hurumende yave kuzotanga kubata mutero pamunhu anotambira mazana manomwe nemakumi mashanu emadhora emaRTGS.

Vatiwo hurumende inoda kusimbisa mabasa emhando dzemoto nekuona kuti nyika yava nemagetsi akakwana nekudaro vati vapa mvumo kuti ZESA ikwidze mutengo wemagetsi.

Vatiwo ZESA inobvumidzwa kubhadharisa makambani nevaya vanowana mari dzekunze kuitira kuti vabhadhare magetsi nemadhora ekuAmerica.

Vatiwo hurumende iri kubatsira vanotambura mumadhorobha nemaruwa nechikafu nezvimwe pamwewo nekuvapa zvekufambisa zvakachipa.

VaNcube vatiwo mutemo unopa masimba ehupfumi kuvatema uyo waisungira kuti vekunze vanoda kusima mari muzvicherwa zvePlatinum neMangoda vape zvikamu makumi mashanu nechimwe kuvanhu vemuno, uchabviswa uye vekunze ava vanotaurirana nevemuno kuti vopanana zvikamu zvakawanda sei.

Vaenderera mberi vachiti vanotarisira kuwanawo rubatsiro rwemari inodarika mamiriyoni mazana matanhatu emadhora kubva kune dzimwe nyika nemasangano anopa rubatsiro.

VaNcube vatiwo vemakamabani embozhanhare anoita zvekutumira nekutambira mari ave kuzobhadharawo mutemo weIntermediated Money Transfer Tax vachiti ndivo vari kuita basa rekuchinja mari pamusika mutema.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi, VaPersistence Gwanyanya, vaudza Studio7 kuti bhajeti raVaNcube rakanaka chose asi rangoipa pakuti hurumende ichashandisa mari yakawanda kudarika yaichawana.

Zvichakadai, nhengo dzeMDC hadzina kupinda mudare dzichiti dzange dzichirangirira vanhu vakapfurwa vakafa nemasoja musi wa1 Nyamavhvhu gore rapfuura uyewo hadziremekedze VaMnangagwa semutungamiriri wenyika.

Mutauriri weNational Assembly, Advocate Jacob Mudenda, vashora zvaitwa neMDC vachiti VaMnangagwa ndiye mutungamiriri weZimbabwe uye izvi zvakatotambirwa nemasangano akaita seUnited Nations neAfrica Union.

Vapa mutongo wekuti nhengo dzeMDC dzisapihwe mari yadzo yadzinowana padzinouya kuparamende nekuda kwezvadzaita.

Asi mukuru wenhengo dzeMDC muparamende, Muzvare Tabitha Khumalo, vaudza Studio7 kuti vachapikisa mutongo waVaMudenda.

Nhengo dzeparamende dzichazeya bhajeti iri dzisati dzaripasisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG