Accessibility links

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vatura muparamende bhajeti ra2018 remabhiriyoni mashanu emadhora vachiti vanotarisira kuti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvina nechidimbu kubva muzana gore rinouya.

VaChinamasa vati kunyange hazvo bhajeti ravo riri pa$5.1 billion, hurumende inotarisira kushandisa $5.8 billion uye $3.2 billion yemarii iyi ichaenda kumihoro yevashandi vehurumende.

VaChinamasa vati zvinagwa zvavo zvikuru mubhajeti iri kuderedza huwandu hwemari inoenda kuvashandi vehurumende, kuvandudza mabasa ekurima pamwe nekuita sarudzo dzakachena.

Vati hurumende ichatora matanho akawanda ekudeeredza mari inoenda kuvashandi akaita sekumisa basa ma youth officers zviuru zvitatu nemazana manomwe, kuderedza huwandu hwevamahofisi nevashandi kumizinda yeZimbabwe kunze kwenyika.

Vatiwo huruemende ichaderedza huwandu hwemotokari dzinopihwa kuvashandi vakuru muhurumende pamwe nemafuta emotokari avonoshandisa pamwe nekuderedza nzendo nehuwandu hwevanhu vanoenda kumisangano kunze kwenyika.

VaChinamasa vazivisawo kuti hurumende ichambomisa kupinza basa vadzidzi vanodarika zviuru zvitanhatu ezvidzidzo zvepasi zveEarly Childhood Development kana kuti ECD.

Vatiwo hurumende yave kushandura mutemo wekupa masimba munyaya dzemabhizimisi uye nyaya yekupa zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvanhu vemuno zviitike chete pazvicherwa zvemangoda nePlatinum chete.

VaChinamasa vatiwo hurumende ichapawo vashandi vayo bhonasi regore rino sekuvimbiswa kwavakaitwa.

Vatiwo zvakakosha kuti nyika iite sarudzo dzakachengore rinouya.

VaChinamasa vatura matanho akawanda ekusimudzira hupfumi uye vatiwo hururmende ichatengesa kana kuvandudza makambani ayo asiri kuita zvakanaka uye ichatora matanho ese ekugadzirisa hukama hwayo zvikuru sei neAmerica, Britain, European Union pamwe nemasangano akaita seWorld Bank neInternational Monetary Fund.

Bazi redzidzo yepasi rapihwa mazana mapfumbamwe emamiriyoni emadhora, uye ndiro rapihwa mari yakawanda kudarika mamwe mapazi.

Rateverwa nebazi rezvekurima rawana $497 million richiteverwa nebazi remukati menyika rawana $435 million. Bazi rezvekudzivirirwa kwenyika rawana $420 million kozotiwo rehutano rawana $408 million.

Nyanzi munyaya dzehupfumi, VaKispon Gundani, vati bhajeti raVaChinamasa rakanaka chose uye rinoratidza kuti hurumende inoda kuvandudza hupfumi.

Mukuru webhanga guru munyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya, vati matanho atorwa mubhajeti akanaka.

Sachigaro wedare remadzishe, Mambo Fortune Charumbira, vati bhajeti iri rinoratidza kuti hurumende iri kuita zvayakavimbisa.

Vanokokera nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai muparamende, VaInnocent Gonese, vati kunyange bhajeti iri richiita serakanaka pabepa, chakakosha kuona kuti ratevedzwa here.

Vatiwo havasi kufara kuti hurumende iri kuronga nekushandisa mari yakawanda kudarika yaichawana.

VaChinamasa vazivisawo kuti vari kuda kugadzirisa mafambisirwo ebasa paBeitbridge Border Post nekudaro vakumbira mauto kuti aite chirongwa cheOperation Restore Legacy achishanda neveZimbabwe Revenue Authority.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG