Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Vanotadza Zvakare Kuenda kuParamende Kunobvunzurudzwa


President Mnangagwa (right) talks to Zimbabwe’s new Finance Minister Mthuli Ncube at the State House in Harare, Sept. 10, 2018.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vatadza zvakare kuenda kudare reparamende kunopindura mubvunzo kubva nhengo dzeparamende.

Izvi zvatsamwisa nhengo dzebato rinopikisa reMDC dzange dzichida kubvunzurudza VaNcube pamusoro pehurongwa hwemashandisirwo emari hwavakatura pamwe nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya.

VaNcube nderimwe remakurukota mashomanana ange asiri mudare.

Asi mutauriri wedare iri, Advocate Jacob Mudenda, vati VaNcube vange vavazivisa kuti vange vakabatikana.

Asi nhengo yeMDC inomirira Mutare Central, VaInnocent Gonese, vati zvaitwa naVaNcube hazvina kunaka sezvo vange vachida kuvabvunza pamusoro pehurongwa kweMonetary Policy ne Fiscal Policy hwakaturwa naVaMangudya naVaNcube nemusi weMuvhuro.

VaGonese vati Advocate Mudenda vanofanira kukoka VaNcube kuti vataura nezvenyaya iyi kudare kana kuita Ministerial Statement.

Advocate Mudenda vati chikumbiro chaVaGonese chakanaka chose uye vachachisvitsa kuna VaNcube.

Nhengo yeMDC inomirira Harare East, VaTendai Biti, vashora mitero yakadzikwa naVaNcube neMuvhuro vachiti dambudziko remuZimbabwe inyaya yekuti hurumende inodya mari semushonga wemusana.

Munyori anoona nezvehupfumi muMDC zvakare vachimirira Hatfield muNational Assembly, Doctor Tapiwa Mashakada, vaudza Studio 7 kuti zvakaturwa naVaMangudya naVaNcube neMuvhuro hazvina zvazvinobatsira mukusimudzira hupfumi kana kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Vati nyaya yekuti nyika irambe ichishandisa mabhondi haina zvainobatsira uye ndizvo zviri kuramba zvichikwidza mutengo wemari pamukoto.

Vati hapana munhu achavimba nehurumende yeZanu PF uye hapanazve munhu achafa akaisa mari yake mubhanga nekuti inogona kumuka yanyangarika.

Vati dai vaive ivo vari pachinzvimbo chaVaMangudya vangadai vakamisa kushandiswa kwemabhondi notes.

VaNcube vaburitsa zvakare mamwe matanho achatorwa nehurumende mukugadzirisa hupfumi hwenyika nemusi weChishanu.

Mune imwewo nyay, mumiriri weBuhera South, VaJoseph Chinotimba, vati hurumende inofanira kumhanyamhanya sezvairi kuita pakurwisa korera kuitira kuti idzivirire vanhu vemudunhu ravo kuti vasadyiwe nemapere.

Izvi zvinotevera kudyiwa kwemumwe mwana nemapere munzvimbo yavo svondo rapfuura.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvemukati menyika, VaMike Madiro, vati mapurisa anoda chose kuchengetedza vanhu kuti vasadyiwa nemapere asi havana zvikwanisiro.

Vati semuenzaniso mapurisa anoda motokazri zviuru zvinomwe asi pari zvino ane motokari churu chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG