Accessibility links

Breaking News

Sangano reVarimi reIntegrated Commercial Farmers Union Rokurudzira Kuti Mitengo yeZvirimwa Itarwe neMari yeKunze


Integrated Commercial Farmers Union inoti hurumende inofanirwa kutara mitengo yezvirimwa nemari yekunze kuitira kudzivirira murimi kubva mukukwira kwemitengo yezvekurimisa.
Integrated Commercial Farmers Union inoti hurumende inofanirwa kutara mitengo yezvirimwa nemari yekunze kuitira kudzivirira murimi kubva mukukwira kwemitengo yezvekurimisa.

Rimwe sangano rinomirira varimi, reIntegrated Commercial Farmers’ Union, rinoti mitengo mitsva yezvirimwa yemwaka uno yakaziviswa nehurumende svondo rino yakanaka chose asi dambudziko rinozosangana nemurimi nderekuti vezvitoro vanobva vakwidzawo zvakanyanya mitengo yezvinodiwa nemurimi mumwaka unotevera.

Hurumende yakazivisa neChipiri kuti mwaka uno Grain Marketing Board ichange ichitenga chibage nemadhora zviuru gumu nezviviri nemazana matatu nemakumi maviri nemapfumbamwe, kuchitiwo mbeu diki dzchitengwa nemadhora zviuru gumi nezviviri nemazana masere nemakumi matanhatu nemashanupatani.

Soya bhinzi dzinonzi dzinenge dzchitengwa nemadhora zviuru gumi nezvinomwe nemazana maviri negumi nerimwe patani.

Mutevedzeri wemutungamiri weIntegratedCommercial Farmers’ Union, Amai Maiwepi Jiti, vanoti pari zvino mari iyi inoonekwa seyakawanda zvikuru asi panozosvika nguva yekugadzirira mwaka unouya inenge isisakwanire varimi kuti vakwanise kutenga zvavanoda.

"Hongu mitengo yema inputs inokwira panotaurwa mitengo yembesa. Ndinokurudzira kuti dai hurumende yataura mutengo vachishandisa mari yekunze, sokuti chibage chonzi US$260.00. Then panguva ayekuti murimi ave kubhadharwa opiwa zvake maRTGs vachishandisa rate inenge iripo musi iwoyo," vanodaro Amai Jiti.

Vanoti izvi zvinobatsirawo murimi kumudzivirira kubva kumitengo yezvikwanisiro zvekuti kana mitengo yakanzi yakwidzwazve haufe haanetseke kudzokera mumunda mwaka unotevera.

Amai Jiti vanokurudzira hurumende kuti ipindirewo nekuona kuti mitengo yezvikwanisiro zvinodiwa nemurimi haizokwidzwi pasina mvumo inobva kwairi.

Hurukuro naAmai Maiwepi Jiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG