Accessibility links

Breaking News

Varimi Votyira Zvirimwa Muminda Yavo kuMashonaland West


Ethiopia Drought
Ethiopia Drought

Varimi vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti zvirimwa zvavo zvave kutsvira mumunda nezuva sezvo mvura isiri kunaya sezvavanga vachitarisira.

Varimi ava vanoti kunyange vachibvumirana nevanoona nezvemamiriro ekunze kuti mwaka iri kushanduka zvichienzaniswa nekare, vanoti mvura gore rino haisi kunaya zvakanaka vachiti mbeu dzavakadyara dzave kusvava nekuda kwekushaya mvura yakakwana.

Varimi vanoti kusanyatsonaya kwemvura kuchakanganisa goho ravo zvakanyanya.

Mumwe murimi wekuMhangura, VaFidelis Chikungwa, vanoti chibage chavo chave kusvava zvekuti mvura ikasanaya svondo rino vanenge vave kudzokorora kudyara zvakare.

VaChikungwa vanoti vana mazvikokota vezvekuongorora mamiriro ekunze vari kutadza kuzivisa varimi manayiro emvura mwaka wega wega.

VaChikungwa vanoti vanoongorora nezvekunze vakati mvura inenge ichinaya zvakanaya asi haina kunaya sezvakataurwa izvi.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe murimi wekuMakonde, VaGift Machacha, avo vanoti mbeu dziri mumunda dzatokanganisika.

VaMachacha vanoti kunyange mvura ikazouya zvayo yatokanganisa goho regore rino.

VaMachacha vanoti varimi vanofanirwa kudyara mbeu yechibage diki yakaita sembeu inonzi Tsoko iyo inokurumidza kuibva sezvo zvave pachena kuti mvura ichange iri shoma gore rino.

Vamwe vanoongorora nezvekurima vanoti hurumende inofanirwa kuita hurongwa hwekukohwa mvura kuti vazoishandisa mukurima nemadiridziro sezvo mwaka iri kushanduka nguva nenguva.

Vanoongoroorora nezvekurima ava vanoti vanoona nezvekunze havasi kuyambira varimi zvakanaka nezvenguva inotanga nekupedzisira kunaya kwemvura. Vanoti vanoona nezvemamiriro ekunze vari kutadza kuita basa ravo nemazvo sezvo vachishandisa michina yakare iyo yasakara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG