Accessibility links

Breaking News

Varimi Votadza Kubhadhara Zvikwereti kuZinwa


ZINWA

Kambani yeZimbabwe National Water Authority inoti yave kutadza kuita basa rekutsigira varimi nemvura nemazvo nekuti varimi munyika vari kuramba kubhadhara mvura yavanenge vashandisa.

ZINWA inoti varimi ava vane chikweti chisati chabhadharwa chemamiriyoni makumi matatu nemapfumbamwe emadhora.

Mashoko aya akataurwa nevakuru vakuru vekambani iyi apo vaitaura zviri kuitwa nekambani yavo mukusimudzira mabasa ekurima kukomiti yeseneti inoona nezvekupa masimba ehupfumi kuvatema mazuva mashomanana apfuura.

Vakuru veZINWA vakati varimi havasi kubhadhara mvura kunyange hazvo bazi rezvemvura rakadzikisa mutengo wemvura kuvarimi vese zvisinei nekuti vanorima vari kumarruwa here kana kumapurazi makuru.

Mumwe mukuru anoona nezvemari muZINWA, Amai Ellen Chivaviro, avo vaive nemukuru mukuru wekambani iyi, VaJeffter Sakupwanya, nevamwe vakuru mukambani iyi vakaudza maseneta kuti dambudziko guru nderekuti varimi havasi kubhadhara mvura.

Vakati izvi zviri kuitika kunyange hazvo ZINWA ichipa varimi mukana wekuti vabhadhare mvura kana vachinge vatengesa zvirimwa zvavo.

Amai Chivaviro vakati izvi zvave kukanganisa basa reZINWA rekuchengetedza madhamu nemidziyo yavanoshandisa.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio7 kuti nyika haigoni kubudirira kana varimi vasingade kutenga mvura.

VaKuchera vati kusashanda zvakanaka kweZINWA kunogona kukanganisa hupfumi hwenyika sezvo hupfumi huchirarama zvakanyanya nemabasa ekurima.

Imwewo nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya,vanoti hurumende yakadzidzisa varimi tsika yakaipa yekuti vanofanira kupihwa zvinhu zvese mahara.

Vati kuramba kuri kuita varimi kubhadhara hakuvashamisi nekuti makore apfuura hurumende yakapa nyika mutoro wekubhadhara chikwereti chevarimi che$1.5 billion chembeu, fotireza, magejo, matirakita nemimwe michina yakapihwa vanhu neReserve Bank of Zimbabwe pasi pechirongwa cheFarm Mechanisation Programme.

Vanoti mabasa ekurima haagoni kusimukira munyika kana varimi vachifunga kuti vanokwanisa kurima pachena vasingabhadhare mvura nemagetsi.

Mukuru werimwe remasangano anomirira varimi munyika, reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zakariya, vanoti zvakaoma kuita murimi vachiti murimi anobhadhariswamitero yakawanda zvekuti anotadza kubhadhara mitero yese kunyange atengesa zvirimwa zvake.

Vanoti nyaya yekurima yave kuda kuti vanhu vese munyika vagare pasi kuti varonge kuitira kuti kurima kungafamba zvakana sei munyika pasina kuomesera murimi.

Bazi rezvemvura rakatoderedza mutengo wemvura kuvarimi zvisinei nekuti munhu anorima ari kupi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG