Accessibility links

Breaking News

Varimi Vakawanda Voomerwa neKukwira kweMitengo yeZvekurimisa


Varimi vakawanda vari kuti havasi kukwanisa kutenga mbeu yechibage sezvavasiita mwaka yadarika.
Varimi vakawanda vari kuti havasi kukwanisa kutenga mbeu yechibage sezvavasiita mwaka yadarika.

Varimi vazhinji munyika vanonzi vari kuchemachema nekukwira zvakanyanya kwavanoti kuri kuita mbeu, mafotereza pamwe nezvimwe zvinodia mukurima, izvo zvinonzi nevamwe zvchaderedza ndimo yemwaka uno.

Dambudziko iri riri kuuyawo panguva iyo nyika yakaziviswa kuti inogona kusawana mvura yemudenga inoikwanira sezvo mamiriro ekunze ari kushanduka zvichaita kuti mvura isanaya zvakanaka.

Semuenzaniso, mbeu yechibage inorema makirogiramu gumi inonzi iri kutengeswa nemitengo iri pakati pemadhora makumi masere kusvika kumadhora zana nekudarika, zvichienda nekuti rudzi rwupi rwembeu, uye kuti chitoro chipi chiri kuitengesa.

Makirogiramu makumi maviri nemashanu embeu yechibage ari kutengeswa nezvitoro zvakawanda nemari iri kudarika mazana maviri nemakumi mashanu emadhora.

Imwe kambani inotengesa mbeu yakaburitsa gwaro svondo rino rinozivisa nezvemitengo mitsva yembeu dzainogadzira, inove mitengo iri kufambidzana nekukwira kwembeu kuri kuchemwa nevarimi vakawanda munyika yose.

Makambani anogadzirawo fotereza nemishonga yekurimisa anonzi akakwidzawo mitengo zvinisa mukare akamboona.

Semuenzaniso, fotereza yepasi kana kuti D inonzi iri kutengeswawo nemari iri pakati pemadhora makumi mashanu kusvika pamadhora zana negumi, zvichienda nekuti ifotereza yekambani ipi, uye kuti chitoro chipi chiri kuitengesa.

Mumwe murimi, VaTogarasei Nyahuma vanobva kwaMurehwa, vanoti nekuda kwemitengo iyi, varimi vakawanda vachakundikana kudyara mbeu dzavagara vachitenga.

VaNyahuma vanoti izvo zvichakangisawo chirongwa chehurumende chekuti nyika izvirimire kudya kunoikwanira sezvo ichakundikana kuzadza matura sezviri kukurudzirwa nehurumende.

Hurukuro naVaTogarasei Nyahuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG