Accessibility links

Breaking News

Va Timothy Stamps Vanoitwa Gamba reNyika


Timothy Stamps
Timothy Stamps

Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, havana kuuya kurufu rweshamwari yavo, Dr Timothy Stamps avo vakatarwa segamba renyika.

Asi hama dzaVaStamps dzakaramba kuti vavigwe panovigwa magamba enyika kuNational Heroes Acre dzichiti dzinoda kutevedzera tsika yadzo yekuviga munhu kuburikidza nekumupisa muviri wake ozoradzikwa ava madota.

Kunyange hazvo VaMugabe vasina kuuya, vana vaVaStamps vataura parufu varumbidza zvikuru hushamwari hwanga huripo pakati paVaMugabe nababa vavo.

Vana ava vatendawo zvikuru nekubatsirwa kwababa vavo naVaMugabe pamwe nehurumende yavo.

Mumwe mwana waVaStamps, VaKeynon Ronald Stamps, vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vakavanyorera tsamba yenyaradzo huye vakataura navo parunhare vachiratidza kusuwa kukuru nerufu rwaVaStamps.

Mhuri yaVaStamps yatendawo zvikuru kupiwa kweruremekedzo kuna baba vavo kuti vave gamba renyika asi vakati tsika nezvido zvababa vavo ndozvaiita kuti vatore nzira yekupisa mushakabvu.

Izvi zvatsigirwa negurukota rezveutano, Doctor David Parirenyatwa, vati mhuri yekwaStamps yasarudza kupisa mutumbi wemufi.

Asi VaParirenyatwa vati kuHeroes Acre kuchangoiswa mucherechedzo weguva raVaStamps

VaParirenyatwa vatiwo hurumende yeZimbabwe yakarasikirwa zvikuru nekushaika kwevaimbove gurukota rezveutano, VaStamps. VaParirenyatwa vati VaStamps vanga vari chiremba wevanhu vese vachibatsira ruzhinji pamwe nekudzidzisa vamwe vana chiremba.

Gurukota rinomirira dunhu reHarare, Amai Mirriam Chikukwa, vatsigirawo mashoko aya vakati Dr Stamps vakabatsira mukuvakwa kwezvipatara munyika pamwe nekurwisa denda reHIV/AIDS.

VaStamps, avo vakashaya vaine makore makumi masere nerimwe, vasiya mukadzi nevana vanomwe.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG