Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisana neKudzingwa Munhabvu yePasi Rose?


Zimbabwe Warriors
Zimbabwe Warriors

Zimbabwe inogona kudzingwa munhabvu yepasi rose chero nguva zvichitevera kukundikana kweSports and Recreation Commission, SRC, kudzosera bhodhi reZifa rayakadzingwa muna Mbudzi gore rapera.

SRC yakadzinga bhodhi iri ichiti rainge rashandisa mari zvisiri pamwero.

Asi sangano renhabvu yepasi rose, reFederation of International Football, Fifa, rakazivisa mwedzi wapera kuti rakanga risiri kufara nekupindira kwehurumende mukufambiswa kwenhabvu munyika.

Sangano iri rakazivisa kuti bhodhi reZifa rikasadzorerwa musi wa Ndira 3, 2022 asati apfuura, Fifa yaizotorera nhabvu yemuZimbabwe matanho akaomarara.

Asi SRC inoti haisi kuzodzosera bhodhi reZifa, uye haina kuwana tsamba yakabva kuFifa iri kutaura nezvekudzoserwa kwebhodhi iri.

Sachigaro veSRC, VaGerald Mlotshwa, vaudza Studio7 kuti Fifa yakatarira nguva iyi kuZifa, vakati hapana nguva yakatarirwa SRC.

VaMlotshwa mukuwasha wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, sezvo vakaroora mwanasikana wavo, Farai Celine Mnangagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemitambo, VaMathias Tongofa, kuti tinzwe pamire komiti yavo panyaya iyi.

Asi imwe nhengo yekomiti iyi, VaTrevor Saruwaka, vanoti hunhinhi huri kuitwa neSRC huchaita kuti Zimbabwe idzingwe munhabvu yepasi rose sezvo mitemo yeFifa isingadi kuti dzihurumende dzipindire mukufambiswa kwenhabvu munyika dzepasi rose.

VaSaruwaka vanoti Fifa inotora matanho akaomarara pose panenge patyorwa mitemo yayo.

Vanotiwo sezvo zuva rakatarwa rakapfuura madeko, Zimbabwe inofanirwa kunyorera Fifa ichikumbira ruregerero uye kuona kuti bhodhi reZifa radzoserwa kuitira kuti Zimbabwe isadzingwe munhabvu yepasi rose.

Studio7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvemitambo, Kirsty Coventry, sezvo vanga vasingabatike panharembozha yavo.

VaSaruwaka vanoti pari zvino komiti yavo haisi kuita basa zvichitevera kumiswa kweparamende kuungana ichiita basa rayo kusvika mwedzi unouya nepamusana pedambudziko rechirwere. cheCovid-19.

Asi VaSaruwaka vanoti pachavhura paramende, vachada kunzwa kuSRC kuti seyi yakatora danho rinoisa nhabvu yemunyika parumananzombe.

Zimbabwe iri kuCameroon kumakwikwi eAfcon, uko inogona kudzingwa kana chero nguva kana Fifa ikatora danho rekudzinga Zimbabwe munhabvu yepasi rose sezvayinoita kunyika dzinenge dzatyora mitemo yayo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG