Accessibility links

Breaking News

Zvipatara Zvoshaya Mishonga Inokosha


Insulin
Insulin

Kushaikwa kwemari yekunze kunonzi kuri kukonzera kuti mishonga yezvirwere zviri kuuraya vanhu mazuva ano ishaikwe.

Kushaikwa kwemari yekunze kunonzi kuri kukonzera kuti mishonga yezvirwere zviri kuuraya vanhu mazuva ano ishaikwe.

Mishonga inomwiwa nevanorwara neshuga ye insulin, pamwe nemimwe mishonga inoshandiswa panoitwa maoperation yave kunetsa kuwana.

Sangano rinomirira vanaChiremba reZimbabwe Medical Association (ZIMA) rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika zvokuti banga guru renyika rikasabatsira nemari yekunze, mishonga yakakosha ichashaikwa zvachose.

Munyori musangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Dr Evans Masitara, vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa dambudzo remishonga hupenyu hwevanhu husati hwarasika.

Nenyaya yekunetsa kwemari yekunze kwenyika, banga guru renyika ndiro rave kugovera mari kumakambani anoda kutenga zvinhu kunze kwenyika zvichienderana nekokosha kwazvo.

Zvinhu zviri kunyanyokosheswa pari zvino mafuta edzimotokari. VaMasitara vashora banga renyika ravati harisi kukoshesha zveutano sezvo vasiri kubudisa mari yekutenga mishonga nechimbi chimbi.

VaAmos Zhou vane chirwere cheshuga. VaZhou vanoti chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti apo mishonga iri kunetsa, vatungamiriri vehurumende vanonorapwa kunze kwenyika nokudaro nhamo iyi iri kungobata varombo chete.

Izvi zvatsigirwa naVa Tafadzwa Ndoro avo vati hurumende yeZimbabwe inofanirwa kuumba sangano rinomiririra makambani akasiyasiyana kuti riongorore kuti mari shoma yekunze inenge iri munyika yoshandiswa pane zvipi.

Mukuru anoona nezvemishonga kuParirenyatwa, VaDavison Vuragu, vakanyorera kambani yeAspen Pharmacare Zimbabwe, vachiizivisa kuti zvinhu zvasvika pakaipisisa.

Mutsamba yavakanyora neChishanu chapfuura, VaVuragu vakati Parirenyatwa yainge yasarirwa nemishonga inoshandiswa kubvisa marwadzo kana munhu aoparetwa ichashandiswa kwemasvondo maviri.

Vakatiwo kushaikwa kwemishonga iyi kwaikonzerwa nekubuda kwakaita kambani ye GSK, iyo yaiwanisa nyika mishonga iyi.

Nepamusana pedambudziko iri, VaVuragu vakakumbira kuti Parirenyatwa itenge mishonga iyi kunze kwenyika, vachishandisa kambani ye Aspen, kuitira kuti nyika isawirwe nedambudziko iri.

VaVuragu vakaudzawo Aspen kuti dambudziko iri rakatarisana nezvipatara zvose zviri munyika.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvehutano, VaDavid Parirenyatwa, kuti tinzwe pamire hurumende panyaya iyi.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG