Accessibility links

Breaking News

Vamwe Votadza Kubayiwa Nhomba yeCovid-19 yeKutanga Ichinzi Yapera


Victoria Falls Covid-19 vaccination
Victoria Falls Covid-19 vaccination

Vanhu vakawanda vari kuda kubaiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga mudunhu reMashonaland West vari kutadza kubaiwa zvichinzi hakuna nhomba yekutanga asi vanhu vachikwanisa kubayiwa nhomba yechipiri chete.

Mumwe wevanhu vanga vachida kubayiwa nhomba muChinhoyi nhasi, VaTendayi Masakasa, vati vanzi vadzoke svondo rinouya sezvo kuri kungobayiwa nhomba yepiri chete.

Mumwe chiremba ari kuona nezvekubayiwa nhomba mudunhu reMakonde, Dr Paradzai Mudzengerere, vabvuma kuti pane dambudziko rekushaikwa
kwedzimwe mhomba asi vati zviri kukonzerwa nevanhu vari kunobayiwa
nhomba kunzvimbo dzisiri dzavakabayiwa nhomba yekutanga.

Dr Madzengerere vati vave kupa nhomba yeSinopharm chete munzvimbo
dziri kubayirwa vanhu sezvo nhomba iyi iripo yakawanda kudarika dzimwe
nhomba.

Dr Mudzengerere vakurudzira vanhu kuti vanobayiwa nhomba yepiri
kunzvimbo yavakambobayiwa nhomba yekutanga.

Dambudziko riri kuMashonaland West rinonziwo riri kuwanikwa kumamwe matunhu ari munyika.

Svondo rapera, mukuru anoona nezvehutano muBulawayo, Dr Welcome Mlilo, vakaudza bepanhau reThe Chronocle kuti dunhu ravo rakanga richitarisana nekushomeka kwenhomba dzeCovid-19 zvekuti vakanga vachibaya chete vabiyiwa nhomba kepiri.

Mukuru anoona nezvezvirongwa zveCovid-19 National Task Force, Dr Agnes Mahobva, vati vakuru vezvehutano mumatunhu vari kuongorora nezvenyaya yekushaikwa kwenhomba mudzimwe nzvimbo sezvo vakatanga kuzvinzwa pama dandemutande.

Asi vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, uye vari munyori wezvehutano muMDC Alliance,Dr Henry Madzorera, vati kudzoserwa kwevanhu vari kuda kubaiwa nhomba zviri kuratidza kusarongeka kwehurumende munyaya yekutenga nekupa matunhu
nhomba dzinokwanirana.

Hurumende inoti mava nenhomba dzinodarika miriyoni imwe chete nemazana manomwe ezviuru idzo dzinosanganisira Sinopharm, Sinovac nedzimwe.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Mutsvangwa, vakazivisa svondo rapera kuti nyika iri kutarisira dzimwe nhomba zviuru mazana mashanu kana kuti 500 000 kubva kuChina mwedzi uno.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 kusvika
pari zvino vave chiuru nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 1594 zvichitevera kufa wevanhu vaviri nezuro.

Vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vave zviuru makumi matatu nezvisere zvine mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemumwe chete kana kuti 38 961, zvichitevera kubatwa kwevanhu gumi nevanomwe nezuro.

Vanhu vabaiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga vave zviuru mazana matanhatu nemakumi manomwe nezvishanu zvine mazana matanhatu nemakumi manomwe nevasere kana kuti 675 678. Vabaiwa nhomba yepiri vave zviuru mazana matatu nemakumi mana nezvina zvinemazana mana kana kuti 344 400.

Izvi zvinoreva kuri nhomba dzashandiswa munyika yose dzasvika pamiriyoni imwe chete nezviuru makumi maviri nemakumi manomwe nesere, kana kuti 1 020 078.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu vanosvika
mamiriyoni gumi, 10 million, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva
muzana, 60%, zvevanhu vari munyika senzira yekudzivirira kupararira
kwechirwere cheCovid-19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG