Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi Dzinoti Mitemo yeCovid-19 Lockdown Ngaibviswe, Chikuru Kubayiwa Nhomba kweVeruzhinji


Information Minister Monica Mutsvangwa
Information Minister Monica Mutsvangwa

Hurumende yakawedzera nemasvondo maviri mitemo yeCovid-19, kana kuti Level 2 Lockdown.

Izvi zvakaziviswa nemusi weChipiri negurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa.

Vachitaura kuvatori venhau, Amai Mutsvangwa vakati mabhawa ane marezenisi ekuita basa rawo anogona kubvumidza vanhu vakabayiwa nhomba dzose kuti vapinde mumabhawa avo, asinvachiti mabhawa anosungirwa kutevedzera mitemo yose yokurwisana neCovid-19.

Pasi pemitemo yeLockdown Level 2, vanhu vanorambidzwa kufambafamba pakati pa10 o’clock manheru na 5:30 mangwanani. Mabhizimisi anovhurwa na 8 o’clock mangwanani achisungirwa kuvharwa na 7 o’clock manheru.

Amai Mutsvangwa vanoti veruzhinji vanokurudzirwa kutevedzera mitemo yose yekurwisana nedenda reCovid-19.

Vachipindura mashoko abva kuhurumende aya, vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati maLockdown apedza basa rawo asi hurumende inofanirwa kuwedzera zvikuru huwandu hwevanhuu vanobayiwa nhomba zuva rogaroga.

Dr Madzorera vati hazvibetseri kuti zuva nezuva hurumende iudze vanhu kuti vanhu vangani vafa neCovid-19, vachiti vanhu vanoda kuziva kuti mishonga iri kushanda sei uye vangani vakaita dambudziko mushure mekubayiwa nhomba.

Vanoti hurumende inofanira kuudza vanhu zvinovakurudzira kuti vabaiwe nhomba, vachiti inofanirwavo kutsvaka motikari dzinoenda kwakasiyana siyana, kana kuti ‘mobile clinics’, kunobaya nhomba avo vasingakwanisi kusvika kuzvipatara kana kunzvimbo dzinobaiwa vanhu nhomba

Chimwe chataurwa naDr Madzorera ndechekuti hurumende inofanirwa kushanda nevamwe vakazvimirira nekuti haisi kuzopedza chirwere ichi iri yega.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Tabatavo mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vakati vari kunze kwenyika, vachiti vachataura nesu kana vadzoka munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG