Nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemashoko dzinoti zvinosuwisa kuti pese panoita dambudziko munyika, hurumende yeZanu PF inomhanyira kupumha vamwe vanhu huroyi pamwe nekutyisidzira vanhu kuti ichasunga vose vanenge vachishandisa mikana yechizvino zvino mukufambisa mashoko ayo inoti akanangana nekuipidigura.
Izvi zvinotevera mashoko ehurumende ekuti icharanga makambani navese vari kushandisa madandemutande kutaura manyepo.
Vakasanobata chigaro chemukuru wesangano reMedia Insitute of Southern Africa –Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati zviri kuitwa nehurumende kutyityidzira veruzhinji, kusanganisira vatori venhau.
Vatiwo hurumende yave kutyora bumbiro remitemo yenyika uye vachataura nayo kuti isayane netsika yakashata iyi, kukundikana kwazvo, vachizoiendesa kumatare.
Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Linda Masarira, vati havaoni chakashata nekushandisa social media mukutaura zvavanoda.
Pari zvino hurumende iri kuronga kuti makambani ese embozhanhare nedzimwe nhare ashandise nzira imwe chete yekufambisa mashoko kana kuti Gateway pachirungu uye nyanzvi dzino izvi zvinorerutsa mabasa rekuongorora zvinenge zvichiitika pamwe nemashoko anenge achifambiswa nemakambani aya.
Nhengo yeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube muparamende, Amai Priscillar Misiharabwi – Mushonga, vati havabvumirane nezviri kuitwa nehurumende.
Nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko, vachimirira Mabvuku Tafara, VaJames Maridadi, vati vanhu vanofanira kuramba vachishandisa madandemutande vachiudzana zviri kuitika mumhuri, kumabasa nemunharaunda dzavanogara.
Vaimbove gurukota rinoona nezvekushandiswa kwehumhizha mukufambiswa kwemashoko zvakare vari sachigaro vekokomiti yeparamende inobata nyaya idzi, VaNeson Chamisa, vatiwo hurumende iri kuda kuti vanhu vese munyika vaite zvimumu.
Vamwe vakaita saVaBenard Mago vaudza Studio7 kuti hapana chakaipa pane zviri kuitwa nehurumende nekuti madandemutande ari kushandiswa mukupidigura hurumende sezvakaitika kuEgypt.
Vatiwo pane manyepo akawanda anobuda pamadandemutande pamwe nemumapepanhau uye hurumende inofanira kutora matanho ekuti izvi zvisaitike.
Nhengo yeZanu PF inomirira Makonde West muparamende, VaKindness Paradza, vanoti pane mashoko akawanda ari kubuda pamadandemutande asiri echokwadi, nokudaro zvakakodzera kuita mitemo inoona kuti chokwadi ndicho chinofanirwa kunge chichitaurwa nguva dzose.
Pane vanhu vakawanda munyika vakatosungwa vakaita saPastor Evan Mawarire vachipomerwa mhosva idzo vanonzi vakapara pamadandemutande.
NeChitatu, dare reamakurukota rakabuda nechisungo chekuvandudza mitemo ine chekuita nekufambiswa kwemashoko pamadandemutande, zvichitevera kufamba kwakaitika mashoko pamusoro pekushaikwa kwezvinhu muzvitoro, izvo zvakapa kuti paite chipatapata vanhu vachinotenga zvinhu muzvitoro.
Facebook Forum